Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare Vonetsana neKanzuru neNyaya yeMamita eMvura


Rimwe sangano revagari vemuHarare reHarare Residents Trust kana kuti HRT nemusi weChina yakaendesa tsamba yenyunyuto kune vakafanobata chigaro chameya weHarare VaPeter Moyo vachiti havasi kufara nechirongwa chekuisa mapre-paid water meters muguta.

Sangano iri rinoti vagari vanodarika zviuru zviviri vakanyora tsamba yeyunyuto kukanzuru yeHarare vachiti havasi kufara nehurongwa hwekanzuru uyu.

Sachigaro weBhodhi reHRT VaAlbert Mazula ndivo vanonzi vapa VaMoyo tsamba yenyunyuto iyi. VaMazula vange vachiperekedzwa nevagari kubva kuRugare, Glen Norah A neMabvuku.

Kanzuru yeHarare inoti ine hurongwa hwekuisa mamita aya mudzimba dzinodarika zviuru zviviri senhanga nyaya.

Sangano revagari iri rati kanzuru yeHarare iri kutatarika kupa vanhu mvura zvekuti vagari vanosvika makumi mana nemashanu kubva muzana havana mvura vanototsvaga muzvibhorani nemumatsime.

Mukuru weHRT VaPrecious Shumba vaudza Studio 7 kuti chinofanira kuitwa nekanzuru kuvapa mvura yakakwana uye yakachena kwete kutsvaga mari nemitero.

Hurukuro naVaPrecious Shumba
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaShumba vaenderera mberi vachiti chiri kuda kungoitwa nekanzuru kuwana mari yakawanda kubva kuvagari kuti vatambirisane mari dzemihoro.

Mutauriri wekanzuru yeHarare VaMichael Chideme vashora mamwe masangano evagari vachiti chaanongoda kuvashora chete.

VaChideme vatiwo vagari vakawanda munyika vari kufarira hurongwa hwavo hwemapre-paid water meters.

Hurukuro naVaMichael Chideme
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG