Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yofora muHarare Asi Vamwe Vachiti Vabatirwa Makano


.

Zviuru nezviuru zvevanhu zvafora muHarare nhasi zvichiratidza kutsigira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Asi vamwe vanoti vamanikidzwa kuenda kumusangano uyu zvikoro zvichimanikidzwa kupa vatsigiri veZanu-PF mabhazi.

VaMugabe vari kutaura parizvino pagungano iri. Vari kutaura nezvenyaya yekunetsana mubato ravo nekushaya kubatana.

Vatungamiri vemauto nematare varipowo pagungano iri. Zvichakadaro mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai avo vari kuchipatara muSouth Africa vashora zvikuru bato reZanu-PF nekumanikidza vanhu kuenda kumusangano uyu.

Tichakupai zvizere nezvekufora uku munhau dzedu na7 pm.

XS
SM
MD
LG