Accessibility links

Breaking News

VaMduduzi Mathuthu Vodzingwa Basa kuChronicle


Mupepeti mukuru webepanhau reChroncle VaMduduzi Mathuthu vakadzingwa basa nemusi weChina vakabva vanzi vaende kunoshandira bepanhau reSouthern Times Newspaper riri kuWindhoek, Namibia.

Mutsamba yakanyorerwa VaMathuthu nemukuru weZimbabwe Newspapers VaPikirai Deketeke iyo yainge iine zuva remusi weChipiri, Chivabvu 17 vakanzi kutanga musi wa 23 Chivabvu vanofanira kunge voenda kunoshanda kubepanhau reSouthern Times.

VaDeketeke vakati VaMathuthu ndivo vanenge vave mupepeti mukuru webepa iri uye vaivashuvira kuti vashande zvakanaka. Vakabva vazivisawo mutsamba imwe cheteyo kuti mutevedzeri wavo kuChronicle VaInnocent Madonko ndivo vanenge vofanobata matomu kuChronicle.

VaMathuthu avo vaimboshandira vakamboshandirawo bepanhau reDaily News uye repandemutande reinternet re New Zimbabwe.com. Vakadomwa kuita mupepeti mukuru weChronicle muna 2013.

Vane ruzivo nezviri kuitika muhurumende vanoti nyaya yaVaMathuthu yekunyanya kudyidzana nevechikwata chinozivikanwa nekuti Generation 40 chinosanganisa gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo ndizvo zvapa kuti vagume vave mukanwa mamupere.

Vanotsigira chimwe chikwata chinotsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa chinozivikana nekuti Team Lacoste vanonzi vairwa sengwena kuti VaMathuthu vabviswe kuChronicle.

Zvikwata zviviri izvi zviri kurwira kutora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vave nemakore makumi mapfumbamwe nemaviri ekuberekwa.

Hatina kukwanisa kubata VaMathuthu kana VaDeketeke kuti tinzwe kuti chii chainge chapa kuti vaendeswe kuNamibia.

XS
SM
MD
LG