Accessibility links

Breaking News

VeChidiki Vokurudzirwa Kuita Mishandirapamwe Kuti Vazviitire Mabasa eMaoko


mureza weZimbabwe
mureza weZimbabwe

Mutungamiri wesangano reMutasa Youth Forum Trust VaLloyd Munguma vanoti vechidiki vanofanira kuita mushandirapamwe kuti vazvitangire mabasa avo kwete kungomirira hurumende iyo iri kutatarika kugadzirisa hupfumi parizvino.

VaMunguma vaudza Studio 7 kuti vanoshanda nevadiki vose vasingatarise kuti abuda mumba maani, “Tinoshanda nevechidiki uye munhu wese wenharaunda mumapurazi, muzvikoro, muhurumende, mumigodi pamwe nedzimwewo nharaunda dzakakomberedza Mutasa pamwe neManicaland Province.”

Vanoti havaite zvematongerwo enyika mukushanda kwavo, “Munhu wese chero ani zvake akasununguka kupinda musangano redu, harinei nezvematongerwo enyika. lsu tinokurudzira kuti munhu oga-oga abhadhare dhora kuti ave nhengo ye Mutasa Youth Forum Trust pagore roga roga.

Mari inozoshandiswa muzvirongwa zve Mutasa Youth Forum Trust kunyangwe zvazvo mari iyiyi iri shoma. Boka redu rinokurudzira wechidiki kuita mabasa emaoko akaita sekupfuya huku, mikando, nyuchi, hove ne kuweza miti pamwe nekupfura simbi.”

VaManguma vanotiwo vanodzidzisawo wechidiki kuve vatungamiri wechidiki vakarongeka uye vane gwaro pamwe nekukurudzira matarenda awo kubva pazera rechidiki kunyanyanya muzvikoro nenharunda dzakakomberedza. “Tinoitawo mitambo yekurudzira runyararo pamwedzi yoga yoga apo wechidiki vanotamba bhora, snooker, madarts, drammas pamwe nekuimba.”

Vanotiwo dambudziko ravo guru nderekushaya mari yekushandisa muzvirongwa zvavo kanawo masangano ekunze anobatsira. Vanotiwo dzimwe nguva vasori vanombovadzivisa kuita mabasa avo vachityira kuti vanozoita zvematongerwo enyika.

Mutasa Youth Forum Trust yakatangwa mugore ra1998 ikazopihwa gwaro rekushanda zviri pamutemo mugore ra2015 mushure mekukundikana kuita izvi nekushaya pamwe ne kudakwekukanganiswa nezve matongerwo enyika.

Hurukuro naVaLloyd Munguma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG