Accessibility links

Breaking News

VeMachechi neVanotengesa Mumigwagwa Voratidzira muHarare


VaLazerus Dokora
VaLazerus Dokora

Vedzisvondo nemusi weChitatu vakaratidzira muHarare vachiti havasi kufara nedanho rakatorwa nebazi rezvedzidzo rekuti vana vechikoro vaite mhiko iri kudaidzwa kuti national pledge vachiti izvi zvinotyora kodzero dzavo dziri mubumbiro idzva remitemo yenyika.

Vedzisvondo dzakasiyana-siyana ava vaidarika mazana matatu vainge vari pasi pesangano rePrayer Network of Zimbabwe. Vakaratidzirawo vakananga kuhofisi yegurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, vachiti havasi kufara nenyaya yekuti vana vavo vaite mhiko iyi.

Mutungamiri wePrayer Network of Zimbabwe, uye vari zvakare mutungamiri webato rinopikisa reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vakaudza varatidziri ava kuti havasi kufara nedanho rakatorwa nehurumende iri vachiti rinotyora kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo yenyika dzinobata nyaya dzezvitendero zvakasiya-siyana.

Mumwe wevaratidziri ava, Amai Nyaradzai Chihota, vaudza Studio 7 kuti zvimwe zviri kudzidziswa vana muzvikoro nenyaya yemhiko idzi havazvinzwisike zvavakupa kuti vafunge kuti vana vavo vave kudzidziswa chimwe chitendero chavasingavimbe nacho.

Mumwe mwana wepane chimwe chikoro chemuHarare anga ari pakati pevaratidziri ava watisingabvumirwe nemurawu kutaura zita rake sezvo ari mudiki ati haasi kufara nemhiko dzavari kunzi vatore achiti vana vazhinji vari kuzvambaradzwa mune zvimwe zvikoro kana vatadza kuita mhiko idzi.

Varatidziri ava, avo vanga vakatakura michichinjikwa nezvinyorwa-zvakasiyana-siyana zvichitsoropodza VaDokora pamwe nekuimba dzimbo dzesvondo havana kukwanisa kuona VaDokora sezvo vainge vachinzi vaenda kune mumwe musangano.

Asi varatidziri ava vakakwanisa kuonana nevamwe vakuru mubazi rezvedzidzo avo vakatambira gwaro renhuna dzevaratidziri ava. Vakafanobata chigaro chemunyori mubazi redzidzo, VaPeter Muzavazi, vati vachaongorora nhuna dzevaratidziri ava.

Mushure mekutaurwa kwaitwa naVaMuzavazi, varatidziri vazobva pamahofisi ebazi redzidzo vachiti vave kumirira mhinduro kubva kuna VaDokora.

Mune imwewo nyaya ine chekuita nekuratidzira, vanotengesera mumigwagwa yemuHarare vakaratidzira pamahofisi ekanzuru yedhorobha iri vachiti havasi kufara nekusungwa-sungwa pamwe nekutorerwa zvinhu zvavanenge vachitengesa nemapurisa ekanzuru.

Sachigaro wesangano reNational Vendors Union of Zimbabwe, VaStan Zvorwadza, vakaudza varatidziri ava paTown House kuti vanhu vazhinji vari kuramba vachiomerwa nehupenyu mushure mekunge vatorerwa zvinhu zvavanenge vachitengesa nemapurisa ekanzuru.

Mutauriri wekanzuru yaHarare, VaMichael Chideme, vakaudzawo varatidziri ava kuti vatengesere munzvimbo dzakatarwa nekanzuru kana vasingade kuramba vachitorerwa zvinhu nekanzuru yavo.

Asi vanotengesera mumigwagwa ava vakati nekuoma kuri kuramba kuchiita zvinhu munyika pamwe nekushayikwa kwemabasa, vanhu vazhinji vave kungopinda mumigwagwa vachitengesa kuti vakwanise kuwana chouviri zvave kupa kuti nzvimbo dzakatarwa nekanzuru kuti dzitengeserwe dzisakwanire vanotengesera mumigwagwa ava.

VaChideme vaudza varatidziri ava kuti vanyore nhuna dzavo dzese pasi vovaunzira kuti vaone kuti vangaedze kugadzirisana sei zvichemo zvavo.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG