Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, nemusi wemusi weChipiri vakaita musangano nemumiriri weAmerica muZimbabwe, VaHarry Thomas, kumuzinda webato ravo weHarvest House muHarare.
Ambassador Thomas vaudza Studio 7 kuti vari kusangana nevatungamiri vemapato ose ezvematongerwo enyika munyika uye vakatosangana nevakuru veZanu-PF, mutungamiri weMDC, VaWelshman Ncube, mutungamiri wePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, nevamwe.
Ambassador Thomas vati izvi vari kuzviita kuti vakwanise kuumba hukama pakati peAmerica neZimbabwe munyaya dzezvematongerwo enyika.
Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vatenda kuti musangano uyu wakaitwa vachitiwo VaTsvangirai vane chido chekusangana nevamiriri vedzimwe nyika sezvo vari mutungamiri webato guru munyika.