Accessibility links

Breaking News

Dare Rinosendeka Parutivi Mutongo Waro paNyaya yaVaManyenyeni naVaKasukuwere


VaDavid Hofisi, VaBernard Manyenyeni naVaDzimbabwe Chimbgwa

Mutongi wedare repamusoro, Justice Mary Dube, nemusi weChipiri vakambosendeka parutivi kupa mutongo wavo panyaya yakakwidzwa kudare nameya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vachipikisa kumbomiswa kwavo basa negurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere.

Mutongi wedare repamusoro, Justice Mary Dube, nemusi weChipiri vakambosendeka parutivi kupa mutongo wavo panyaya yakakwidzwa kudare nameya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vachipikisa kumbomiswa kwavo basa negurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere.

VaManyenyeni vange vachimirirwa nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDavid Hofisi naVaDzimbambwe Chimbgwa.

Musi wa 20 Kubvumbi vakasukuwere vakamisa VaManyenyeni basa vachiti vainge vatyora mutemo pakupa basa rekuva munyori weguta kuna VaJames Mushore.

VaKasukuwere vanoti kusarudzwa kwaVaMushore kwaisava pamutemo weUrban Council Act uyo uri kunzi nemagweta aVaManyenyeni unotyora bumbiro remitemo yenyika.

Kunetsana uku kwapa kuti kanzuru yeharare ive nevanyori vaviri panguva imwe chete-VaMushore naamai Josephine Ncube vakasarudzwa naVaKasukuwere kuti vafanobata matomu.

Amai Ncube ndivo munyori wekanzuru, kana kuti chamber secretary.

Mudare VaChimbgwa vati kubvisa meya pasi pebumbiro remitemo idzva kwave kuitwa nedare kana kuti tribunal.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vanoti vane tarisiro yekuti dare richatonga richitenderana nemagweta aVaKasukuwere.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG