Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo richabatanidza vechidiki vose munyika zvisinei kuti vakadzidza here kana kuti kwete nekuti matambudziko avo akafanana.
Vachitaura nemusi weChina muChinhoyi pamahofisi avo mushure mekunge varambidzwa nevakuru vechikoro vepaChinhoyi University of Technology kuChinhoyi Training Centre, kuti vasangane nevadzidzi pachikoro apa, VaTsvangirai vati zvakakosha kuti vechidiki vabatane zvisineyi kuti vakadzidza here kana kuti kwete nekuti matambudziko avo akaita sekushaya mabasa akafanana.
VaTsvangirai vati bato ravo rinoshushikana zvikuru nehupenyu hweuranda huri kurarama vadzidzi muzvikoro zvepamusoro. Vanotiwo vadzidzi vari kushaya pekudzidzira pakafaranuka, kushaya zvekudya zvakakwana uye vanoti vanoshushikana zvikuru nevadzidzi vechisikana vari kupfimbirwa zvekudya muzvikoro nevadzidzisi.
Mumwe mudzidzi, Muzvare Joana Mamombe, vati kuti zvinhu zvinake munyika vechidiki vanofanirwa kuenda nehwuwandu hwavo kunovhotera bato reMDC-T kuti muve neshanduko muzvikoro.
Vadzidzi vanga vakawanda kudarika mazana maviri vanoti vachatanga kuratidzira muzvikoro zvepamusoro pamusana pekushaya pekudzidzira pakakwana pamwe nekukwidzwa kwemari yekudzidza.
VaTsvangirai vati vanotarisira kusangana nevadzidzi vepazvikoro zvepamusoro munyika mwedzi mishoma iri kutevera.
Musangano uyu ndewe chipiri VaTsvangirai vachisangana nevadzidzi. VaTsvangirai vakaita musangano nevadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe masvondo mashoma apfuura.