Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Haisi Kuona Hupfumi Huchikadzikana

VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChitatu vakati hurumende yavo iri kuyedza zvose zvainogona kuti igadzirise hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemusi weMuvhuro vakati hurumende yavo iri kuyedza zvose zvainogona kuti igadzirise hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Asi sangano re, Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti zvinhu zvichiri zvakaita manyama amire nerongo mumakambani.

Mutevedzeri wemunyori mukuru weZCTU, VaGideon Shoko, vanoti sevashandi havana chavari kuona chasanduka sezvo vakawanda vari kurasikirwa nemabasa.

VaMugabe vakataura mashoko aya kuNational Sports Stadium kumhemberero dzekuwana kuzvitonga.

VaMugabe vakatiwo Zimbabwe iri kuyedza kugadzirisa hupfumi kunyangwe hazvo paine zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika neAmerica nedzimwe nyika dzekumawirira.

Pamakambani avanoti Zimbabwe yakamutsiridza, VaMugabe vakapa muenzaniso makambani akaita seLobels Bread, Cairns holdings, Rio Zim, Delta Corporation, Border Timbers, Olivine Industries, Caps Pharmaceutical nemawe.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti mamwe makambani ari kutaurwa naVaMugabe agara achishanda.

Mashoko aVaMugabe ari kukonzera mutauro wakanyanya munyika sezvo vamwe vari kutsika madziro vachiti hupfumi hwenyika hwatozvika kumaziva ndadzoka uye hurumende yapererwa nemazano. Asi vamwe vanoti pachine chivimbo.

Mutevedzeri wemutungamiri weEmployers Confederation of Zimbabwe kana kuti EMCOZ, VaCallisto Jokonya, vanoti zvimwe zviri kutaurwa nemutungamiri wenyika ichokwadi.

Hurukuro naVaCallisto Jokonya naVaGideon Shoko
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG