Mapato gumi anopikisa munyika akabatana mukuburitsa mashoko akanangana nezuva rekuwana kuzvitonga kuzere vachishora Zanu-PF vachiti iri kutonga nedemo.
Mapato aya akavimbisawo kuti achaedza kushanda ose kuti awone kuti otora gwara ripi musarudzo dzakakosha dzemuna 2018.
Mapato aya anoti MDC-T, People’s Democratic Party, Renewal Democrats of Zimbabwe, Mavambo Kusile Dawn, ZAPU, African Democratic Party, Zimbabweans United for Democracy, NCA neDARE.
Mapato aya anoti abatanidzwa nekutadza kutonga kwebato reZanu-PF. Hatina kukwanisa kubata mutauriri webato reZanu-PF VaSimon Khaya Moyo avo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Vanopikisa ava vanoti vanotenda magamba akarwira nyika asi vanoti vari kushushikana nenya yehuori, hupfumi hwaenda kumawere, kutyorwa kwekodzero dzevanhu, nzara yapfunya chisero munyika uye kushushikana kuri kuita zvizvarwa zveZimbabwe.
Mapato aya atiwo akazvipira kuti ashande nevana veZimbabwe kuti vavanyukure mumadhaka mavari uye kuti vakwanise kuzadzikisa zvakarwirwa hondo yerusununguko.
Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu avo vanoti vatauriri vemapato aya ndivo vakasangana kuti vabude nechisungo chimwe chete panyaya iyi uye vanoti vanotarisira kuti mushandirapamwe wakadai uchaenderera mberi.
VaJacob Mafume mutauriri webato rePeople’s Democratic Party rinotungamirwa naVaTendaiBiti vati vari kufara nekuuya pamwe chete kwevanopikisa vachivimbisa kuramba vachishanda pamwe chete. Vati havo hapana chakaipa kuti mapato ambopote achiita zvimwe zvirongwa oga.
Mashoko ekuita chirwirangwe atsinhirwao nemutauriri weRenewal Democrats of Zimbabwe VaPishai Muchauraya vachiti vanoda kushanda nevanhu vane pfungwa dzakafanana navo.
Zvichakadaro, VaRugare Gumbo, mutauriri webato reZimbabwe People First iro riri kufanotungamirwa naAmai Joice Mujuru risina kubatana nevamwe vanopikisa mukuburitsa mashoko aya vanoti bato ravo parizvino harione zvakakosha kuti ribatane nevamwe vanopikisa ava sezvo paine zvimwe zvavari kumboita kuumbiridza bato ravo sezvo richangoumbwa.