Mutungamiri webato rinopikisa VaMorgan Tsvangirai vanoti matambudziko atarisana nenyika anoburitsa pachena kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vapererwa uye vakasamutswa kuhope kwavari vanhu vanomuka nyika yave kumawere
Vachitaura neStudio 7, VaTsvangirai vanoti havasi kuzomira hurongwa hwekuratidzira uye vari kutarisira kuti vaende kumaguta ose enyika vasati vaita kuratidzira kwakakura muHarare kunosanganisa vanhu kubva kunzvimbo dzakasiyana siyana.
Vatiwo chiri kupa kuti vati VaMugabe vaende pamudyandigere inyaya yekuti nyika yasangana nematambudziko makukutu anosanganisa nzara, kushaikwa kwemabasa nezvimwe. VaTsvangirai vati zvinhu zvikasangadziriswa matambudziko aya anogona kubva atongomba zvekuti kuda kuugadzirisa kunenge kwonetsa.
VaTsvangirai varumbidzawo matare vakati akabatsira zvakanyanya nekuvatendera kuti varatidzire sezviri mubumbiro remitemo. Mapurisa aimbenge arambidza kuratidzira achiti ainge asina mapurisa akakwana sezvo vainge vari kuita gadziriro yemhemberero yezuva rekuzvitonga kuzere.
Vatiwo vari kufara nehuwandu hwevanhu vakabuda vachiratidzira nemusi weChina unova munongedzo wekuti nyika yaenda kumawere.