Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika uye vachiona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu-PF VaIgnatious Chombo vanoti bato reZanu-PF rapa murwiri wehondo yerusununguko VaAlexander Kanengoni chiremerera chekuva gamba rehondo yerusununguko kana kuti “liberation war hero”.
Vamwe vange vachitarisira kuti VaKanengoni vaizovigwa kumarinda eHeroes Acre nemabasa avakabata muhondo yechimurenga umo vaizivikanwa nezita rekuti cde Gora.
Asi vamwe vakarwa hondo vanoti vamwe mubato reZanu-PF vaiona sevakambotsauka apo vakatsigira vamwe vaizviti Vashandi vainge vaine maonero akasiyana nevakuru vebato zvikuru mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe munguva yehondo zvakaita kuti vambosungwa vachinzi vainge vapanduka.
Vakasungwa ava vanosanganisa mushakabvu Wilfred Mhanda uye VaRugare Gumbo.