Accessibility links

Breaking News

VaGumbo Vokumbirwa neZanu-PF Kuti Vambotungamira Midlands


VaJoram Gumbo
VaJoram Gumbo

Politburo yebato reZanu-PF yakadoma gurukota rinoona nezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo kuti vambofanobata matomu sasachigaro wedunhu reMidlands kwemwedzi mitatu kuti vayedze kugadzirisa matambudziko akatarisana nedunhu iri.

Midlands inonzi ine kunetsana pakati pechikwata chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa chinonzi Team Lacoste nechinonzi Generation 40 chinonzi chinotsigirana naamai Grace Mugabe.

Zvikwata izvi zvinonzi zviri kurwisana kuda kuona achazotora chigaro chekutungamira bato kana mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiya basa.

Vanonzi vari kuchikwata cheG40 igurukota rezvemitambo VaMakhosini Hlongwane uye munyori wedunhu iri Engineer Tapiwanashe Matangaidze uye vanooona nezvekufambiswa kwemabasa amai Anastasia Ndlovu.

Vanonzi vari kuTeam Lacoste ndiVa Owen mudha Ncube, VaGoodwill Shiri, VaJuly Moyo. VaVictor Matemadanfa, Amai Clarisse Mutambisi, VaCornelius Mpereri uye VaJustive Mayor Wadyajena.

Vachitaura neStudio 7 VaGumbo vati nguva yavapihwa inovakwanira kuti vapete hurongwa hwekuzadzikisa zvava kumbirwa nebato zvekubatanidza vanhu.

Hurukuro naVaIgnatious Chombo1
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG