Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChina vakaita musangano neve rimwe sangano revakarwa hondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association kana kuti ZNLWA kuHarare City Sports Centre.
VaMugabe vakati pane vamwe vanhu vari kuda chigaro chavo vari kushuwira kuti dai vafa.
Vakatiwo nyaya yekuti vanoenda kuSingapore yave kupa kuti vamwe vabve varova bembera vachiti vainge voda kufa.
Asi vakakurudzira nhengo dzebato ravo reZanu-PF nevakarwa hondo ava kuti dzibatane kurwisa vekunze vari kuda kuita kuti mubato ravo muite zinyeke nyeke.
VaMugabe vakati zvavo kana vanhu vati vaende pamudyandigere vanoteerera asi vakati kana vachiri kudiwa vanoramba varipo.
Mutungamiri wenyika akatiwo vakarwa hondo havafanire kuramba vakasimbirira panyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chavo vachiti vanhu vanofanira kuisa pamberi nyaya yekugadzirisa hupfumi hwenyika.
Vakatiwo pane nyika dzakawanda dziri kuda kubatsira Zimbabwe kusanganisa China, India neJapan. Kunyangwe hazvo vamwe vange vachifunga kuti pamusangano uyu pachakandiranwa makobvu nematete, vakarwa hondo ava vakati vanotsigira VaMugabe kuti varambe vari panyanga.
Asi musangano uyu wakaburitsa pachena kuti pane kusawirirana mubato reZanu-PF pakati pevakarwa hondo nevechimwe chikwata chiri mubato iri cheGeneration 40 kana kuti G40 icho chinotsigirana zvakasimba nemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe nevamwe vanozviti vari kutemwa dzinobva ropa. Chikwata ichi chiri kutatsurana nechikwata cheTeam Lacoste chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
VaMugabe vakakurudzirawo vakarwa hondo kuti vatore minda yevachena vasara. Varwi vehondo yerusununguko ava vakati havachadawo kuti bato riti pamberi nemumwe munhu asiri VaMugabe.
Nyaya iyi inonzi nevamwe yainge yakarerekera kuna Amai Grace Mugabe avo vari kunzi pamberi navo nechikwata cheG40 chiri kutiwo “Munhu wese kuna Amai”.
Vakarwa hondo ava vakashorawo vanoona nezvegwara remusangano VaSaviour Kasukuwere vachiti vaifanira kudzidzisa vanhu gwara rebato kwete kungoita basa rekudzinga vanhu mubato nevasina mhosva.
Vachitaura pamusangano uyu, VaMugabe vakatenda kuti vakatuma mauto kuti anovatsvagira rutsigiro mushure mekumbokundwa musarudzo naVaMorgan Tsvangirai veMDC-T muna 2008.
Vakatiwo chakaita kuti vambokundwa musarudzo inyaya yekuti vamwe vakaita saVaSimba Makoni vave kutungamira bato reMavambo Kusile Dawn namuchakabvu VaSolomon Mujuru vainge vachishanda nevanopikisa.
Zvichemo zvevakarwa Hondo
Varwi vehondo yerusununguko ava vakaudza VaMugabe kuti magariro avo haana kumira zvakanaka nekuti hurumende iri kutadza kuzadzikisa zvayakavimbisa.
Vakatiwo vanoda zvigaro mudare remakurukota, kuitwa vamiriri vedzimwe nyika, vanyori vakuru muhurumende nezvimwe zvigaro zvepamusoro. VeZNLWA vanotiwo vanoda zvigaro muPolitburo neCentral Committee yebato.
Vakarwa hondo ava vakatiwo vanoda kuti vawanirwe mari dzekunorapiswa kunze kwenyika uye kuti vana vavo vabhadharirwe mari dzechikoro.
Vakatiwo havana chouviri chavari kuwana muzvirongwa zvakaita sekuendesa hupfumi kuvatema.
Mumwe wevarwiri veHondo yerusununguko VaJoseph Chinotimba vaudza Studio 7 kuti musangano wavo wakafamba zvakanaka uye vane chivimbo chekuti zvichemo zvavo zvichagadziriswa.