Accessibility links

Breaking News

China Yobatsira Zimbabwe neMupunga


Mumiriri wenyika yeChina muZimbabwe, VaHuan Ping nemusi weChitatu vakazivisa kuti nyika yavo ichapaZimbabwe mupunga unokosha mamiriyoni makumi maviri nemana senzira yekupedza dambudziko renzara iro ratekeshera nenyika yese.

VaPing vataura mashoko aya pamusangano wekuzeya nzira dzekupedza nzara muZimbabwe wange wakarongwa nesangano reUnited Nations nemahofisi emutungamiriri wenyika muHarare.

Mumiriri weChina uyu ati nyika yake ichaona kuti chikafu ichi chauya munyika nekukasika kuti chibatsire vanhu vane nzara. Vatiwo nyika yavo ichaita zvese zvainokwanisa kuona kuti hapana munhu anoshaya nenzara munyika.

Vati rubatsiro urwu rwakapetwa katatu pane rubatsirwo rwechikafu rwakapihwa kuZimbabwe neChina pamwaka wa 2014.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mukuru weUnited States Agency for International Agency, Amai Stephanie Funkie nemukuru Department for Internatinal Development yekuBritain Amai Annabel Gerry vati nyika dzavo idzo dzagara dzichibatsira Zimbabwe panyaya yenzara dziri kuongorora kuti zvinhu zviri kufamba sei uye dzichawedzera rubatsiro zvichienderana nemamiriro anenge aita zvinhu munyika.

Mukuru weUSAID muZimbabwe ati nyika yake yabatsira Zimbabwe nemari inodarika mamiriyoni makumi matatu nemashanu emadhora kubva gore rapfuura uye ichawedzera rubatsiro gore rino asi ichazivisa huwandu hwemari hwaicha shandisa munguva pfupi iri kutevera.

Pamusangano wanhasi, vari kutungamirira chirongwa chekutenga chibage munyika veNational Grain Command Centre Air Commodre Jasper Macharangwanda vati pari zvino chibage chiri kupinda munyika chishoma pane chiri kudiwa uye makambani akaita seGrain Marketing Board neDistrict Development Fund nevamwe vari mubasa iri vari kuita matambudziko ekutadza kusvika kunzvimbo dzese dzine vanhu vanoda rubatsiro.

VaMacharangwanda vati semuenzaniso vanhu vese vanenzara munyika vanoda matani zviuru makumi matatu nemazana mana asi hurumende irikukwanisa kuvapa matani zviuru makumi maviri nemazana maviri echibage chete.

Vanomirira masangano anoshanda akazvimirira, Amai Sally Dura vaudza Studio 7 kuti zvinofadza kuti hurumende iri kuedza kubatsira vanhu asi vatiwo inofanira kukoka nyika uye masangan ese anokwanisawo kubatsira sezvo nzara yapfunya chisero munyika.

Mukuru wesangano reNational Association of Non Governmental Organisations kna kuti NANGO VaCephas Zinhumwe vatiwo hurumende inofanira kushanda zvakasimba kuona kuti munhu wese awana chikafu.

Kunyangwe hazvo pakamboitwa ongororo inoratidza kuti pane vanhu mamiriyoni matatu nechidimbu dzinoda rubatsiro rwechikafu uye zhinji dzacho dziri mumaruwa, hurumende yakazozivisazve kuti huwandu uhu hunogona kudarika mamiriyoni mana.

Pane masangano nenyika dzekunze dzakawanda dziri kubatsira Zimbabwe nechikafu uyewo hurumende inoti yakatsvaka mamiriyoni mazana maviri emadhora ekutenga chikafu.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG