Accessibility links

Breaking News

MuGwaro kuUnited Nations, Masangano Akazvimirira Anoti Hurumende Yasarira paNyaya yeKodzero dzeVanhu


Masangano akazvimirira oga nemusi weChipirikuHoliday Inn muHarare akaparurwa gwaro rinotarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvekodzero dzevanhu kana kuti Stakeholders Report on Zimbabwe’s Second Cycle Universal Periodic Review.

Masangano anosvika makumi matanhatu ndiwo akaparura gwaro iri. Gwaro iri richaendeswa kuUnited Nations iyo yakatara zviga zana nemakumi matatu zvinofanira kutevedzwa nenyika dzepasi rino munyaya dzezvekodzero dzevanhu.

United Nations yakatanga kushanda neZimbabwe mukuzadzikisa zviga izvi muna 2011 apo pakaitwa musangano weUnited Nations Universal Periodic Review. Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanokurudzirwa neUnited Nations kuti vazadzikise zviga izvi sezvo Zimbabwe iri nhengo yemubatanidzwa wenyika dzepasi rino uyu.

Masangano akazvimirira aya ange achitarisa zvakagonekwa nehurumende yeZimbabwe uye zvisina kuitwa nemazvo. Mukuru we Zimbabwe Human Rights NGO Forum VaLloyd Kuvheya vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinoda kuitwa nehurumende mukuzadzikisa kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Hurukuro naVaLloyd Kuvheya
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Masangano aya anoti mitemo yakaita sePublic Order and Security Act kana kuti POSA inofanira kubviswa.

Masangano aya ari kukurudzirawo Zimbabwe kuti iise runyoro rwayo pamitemo yakaita seConvention Against Torture and Other Cruel, Inhuman or Degrading Treatment, International Convention for the Protection of All Persons Against Enforced Disappearances, 1961 United Nations Convention on Statelessness, Optional Protocols to the Convention on Elimination of All Forms of Discrimination Against Women, neInternational Covenant of Economic, Social and Cultural Rights.

XS
SM
MD
LG