Kukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi mubato reZanu-PF pamberi pemusangano pakti pemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nevakarwa hondo yerusununguko. Musangano uyu uri kutarisirwa kuitwa muna Kubvumbi.
Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans VaDouglas Mahiya vanoti ivo ndivo varidzi vebato reZanu-PF kwete vamwe vakazouya pamberi.
Vakarwa hondo vari muchikwata cheZimbabwe National Liberation War Veterans Association vanotsigira sachigaro VaChris Mutsvangwa vanoti mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko, makurukota VaJonathan Moyo, VaSaviour Kasukuwere, nhengo yeparamende amai Sarah Mahoka uye mumwe weYouth League vaKudzai Chipanga vanofanira kudzingwa mubato nekukonzera nyonga nyonga.
Studio 7 haina kukwanisa kubata VaMphoko nevamwe vari kunzi vadzingwe mubato sezvo vange vasingadaire nharembozha dzavo.
Asi sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera tabata VaChipanga vanoti havatereri zvinotaurwa naVaMutsvangwa nevamnwe vavo nekuti vapandukira bato reZanu-PF.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zviri kuitika mubato reZanu-PF zviri kuratidza kuti mapindwa napongwe sezvo yangove njake njake.