Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai kutanga nemusi weChishanu vachange vari mudunhu reMashonaland East kwemazuva matatu vachiita misangano nevatsigiri vavo.
Bato reMDC-T rinoti VaTsvangirai vari kuitawo misangano iyi kugadzirira sarudzo dzemuna 2018.
VaTsvangirai vachange vari paKotwa Growth Point neChishanu vozoita mumwe musangano wechipiri paMutoko Growth Point.
Nemusi weMugovera, VaTsvangirai vachange vari kuMarondera kuRudhaka Stadium vasati vasimuka vakananga kuZaire Business Centre kuHwedza.
VaTsvangirai mumwedzi yapera vange vachishanyirawo mamwe matunhu akaita seMatabeleland, Mashonaland Central neMasvingo.
Mutauriri waVaTsvangirai VaLuke Tamborinyoka vanoti vanhu vakawanda vari kufarira VaTsvangirai vachiti vachavavhotera muna 2018.