Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeDare reParamende Inowanikwa Yakafa Muhotera yeHoliday Inn


Zimbabwe Zanu pf Meeting

Mumiriri weMazowe North Mudare reparamande VaEdgar Chidavaenzi vakawanikwa vakafa muhotera yeHoliday Inn nemusi weChina.

Mumiriri weMazowe North Mudare reparamande, VaEdgar Chidavaenzi, vakawanikwa vakafa muhotera yeHoliday Inn nemusi weChina.

Mutauriri wemapurisa ,Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vakaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti VaChidavaenzi vakawanikwa vakafa.

Asi Amai Charamba vanoti mapurisa achiri kuongorora kuti chii chaizvo chakakonzera rufu urwu.

VaChidavaenzi vaimboda kudzingwa mubato reZanu-PF vachinzi vaitsigira vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

VaDick Mafios, sachigaro weZanu-PF kuMashonaland Central, vakatombopa kurudziro yekuti VaChidavaenzi vadzingwe muZanu-PF.

Vamwe vainzi vadzingwe vanosanganisira VaNicholas Goche (Shamva North); Brigadier General Epmarcus Walter Kanhanga (Guruve North); VaDavid Butau (Mbire); VaChriswell Mutematsaka (Guruve South); VaKenneth Musanhu (Bindura North); VaChristopher Chitindi (Muzarabani South); VaFortune Chasi (Mazowe South); Amai Alice Chimbudzi (Mashonaland Central senator) pamwe naVaJoseph Mapiki (Shamva South).

Musarudzo dzemuna 2013, VaChidavaenzi vakawana mavhoti zviuru gumi nezvitatu nemazana matatu nemakumi masere.

Vamwe vavakakwikwidzana navo ndiVa George Gwarada MDC-T, Va Oslen Mandizha (MDC-N) uye vainge vakazvimirira, Amai Juliana Mbiri.

XS
SM
MD
LG