Accessibility links

Breaking News

Machechi Makuru Oronga Kutaura naVaMugabe neVanopikisa Achiti Nyika Yaenda kuMawere


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Munyori mukuru we Zimbabwe Catholic Bishops Conference, Father Fredrick Chiromba, vanoti munguva pfupi inotevera vanofunga kuti vanenge vakwanisa kuita misangano nevezvematongerwo enyika.

Mubatanidzwa wemachechi makuru munyika unoti waumba komiti ichasangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vanopikisa kuti vataure nezvemamiriro aita nyika iyo vanoti yaenda kumawere.

Izvi zvinotevera kubuda kwavo negwaro rinonzi The Zimbabwe We Want-Taking The Process Forward.

Machechi aya anoti Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Zimbabwe Council of Churches, Zimbabwe Catholic Bishops Conference, neUnion for Development of Apostolic Churches in Zimbabwe.

Mugwaro iri, vemachechi havasi kuruma vachifuridzira uye vari kubuda pachena vachiti nyika yave kuda hutungamiri hutsva .

Machechi aya anotiwo Zimbabwe yaenda kumazivandadzoka nenyaya yekushaya hutungamiri, huori, kutyora mitemo, kusatevedzera hotongi hwejekerere nezvimwe.

Machechi aya ari kuti zvakakosha kuti Zimbabwe idyidzane nedzimnwe nyika, kugadzirisa nyaya yekushaikwa kwemabasa, kuzadzikisa zviga zvebumbiro remitemo uye kugadzirisawo nyaya yeminda.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anotiwo zvakakosha kuti machechi ataure zviri kunetsa munyika kwete kuramba akanyarara.

Munyori mukuru we Zimbabwe Catholic Bishops Conference, Father Fredrick Chiromba, vanoti munguva pfupi inotevera vanofunga kuti vanenge vakwanisa kuita misangano nevezvematongerwo enyika.

Hurukuro naVaFredrick Chiromba
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG