Accessibility links

Breaking News

VaEdzai Kasinauyo Vanoti Vozorwa Mafuta eNguruve Yavasina Kudya neZIFA


VaPhillip Chiyangwa

Nhengo yeexecutive yeZIFA VaEdzai Kasinauyo vanoti vave kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya panyaya yekuti vakaita huori vachida kuyedza kutengesa mitambo yenhabvu miviri pakati peZimbabwe neSwaziland yeAfrica Nations Cup.

VaKasinauyo vanoti magweta avo ndivo ave kubata nyaya iyi uye vatonyorera ZIFA tsamba vachida kunzwisisa kuti zvakafamba sei kuti vanyorerwe tsamba nemukuru weZIFA VaPhilip Chiyangwa vachivamisa basa.

Vamwe vari kunzi vari munyaya iyi ndimuzvare Henrietta Rushwaya vaimbotungamira ZIFA, vaive murairidzi wemaWarriors VaIan Gorowa, uye mutevedzeri wemurairidzi wemaWarriors VaNation Dube vachinzi vaishanda nemumwe murume wekuAsia ari munin’ina wava Raj Perumal vakatobatwa kare nemhosva yekutengesa mitambo.

Muna 2012 vatambi nevarairidzi vakambopomerwazve mhosva yekutengesa mitambo yainzi Asiagate. Asi nyaya iyi haina kure kwayakazoenda.

Hurukuro naVaEdzai Kasinauyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG