Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende inofanirwa kuona zvekuita sezvo munyika musina chikafu chakakwana…
Sangano reElections Resource Centre roita zvirongwa zvinoita kuti vavhoti vawane nguva yekutaura nevanhu vavakavhotera senzira yekuunza budiriro nekunzwisisana mumatunhu avari….
South Africa neZimbabwe dzopinda mugakava rendege yaienda kuSouth Africa yakapambwa muZimbabwe neSvondo manheru ikawanikwa iine mari yekuSouth Africa yakawandisa pamwe nemunhu akafa ari munzvimbo yegiya rendege iyi…
Muchirongwa cheLiveTalk na 8:30pm tiri kutarisa zvinoreva kuwedzerwa kwezvirango zve European Union kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe vavo muhurumende…
Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yeVoa Shona.com