Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vanoti "Vanorovera Bhora Mudondo" kuMhondoro-Mubayira Vachazvisikira Moto muZiso


Bato reZanu PF rinoparura misangano yekutsvaka rutsigiro munzvimbo yeMhondoro-Mubayira kuMashonaland West richityisidzira vose vasingaritsigire kuti vangwarire mavhotero avachaita.

Sarudzo idzi ndedzekutsiva vaive mumiriri weMhodnoro-Mubaira, VaSylvester Nguni, avo vakadzingwa mubato iri.

Vachitaura neChitatu paMubaira Growth kuMhondoro.Murongi wemisangano muZanu PF VaSaviour Kasukuwere vakati sezvo vanhu vachivhotera munzvimbo dzavanogara zvichange zviri nyore kuti vazive semusangano nzvimbo inenge yarovera bhora musango.

Kurovera bhora musango mutauro unoreva kuti vanhu vanenge vavhotera munhu asiriye anenge achidiwa nemusangano weZanu PF.

Mashoko aVaSaviour Kasukuwere
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaKasukuwere vakaenderera mberi vachiti bato ravo rakadzinga vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Amai Joyce Mujuru, VaNguni, vaimbove munyori mukuru mubato reZanu-PF VaDidymus Mutasa nevamwe nekuda kwekuti vainge varasa gwara remusangano.

Mashoko aVaSaviour Kasukuwere
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi VaKasukuwere havana kutaura kuti nzvimbo dzicharatidza kuti hadzina kutsigira nhengo yeZanu PF musarudzo dzichaitwa sei.

Veruzhinji vakaenda pamusangano uyu vanoti mashoko aVaKasukuwere ndeekutyisidzira vanhu kuti vavhotere nhengo yeZanu PF.

Sarudzo dzekutsvaga mumiririri weMhondoro-Mubayirwa dzichaitwa musi wa5 Kurume gore rino. VaGeorge Gangarabwe veZanu PF vachange vachikwikwidzana naVaRodwell Nyanganya veFreedom Front.

Musangano weChitatu wakapindwa nenhengo dzeZanun PF dzemudunhu iri dzinosanganisira mukuru wedare reSenate Amai Edna Madzongwe, gurukota redunhu reMashonaland West VaFaber Chidarikire, sachigaro weZIFA vaPhilip Chiyangwa pamwe negurukota rezvevechidiki uye vari muzukuru wemutungamiri wenyika vaPatrick Zhuwao.

XS
SM
MD
LG