Accessibility links

Breaking News

Politburo Yozeya Kunetsana paNyaya yeZvigaro muSarudzo dzema Primary


Bato reZanu-PF nemusi weChitatu rakaita musangano wePolitburo kuti riyedze kugadzirisa kunetsana kunotyisa pakurwira zvigaro zvekuva makanzura, nhengo dzedare reparamende uye kuva maseneta.

Asi nyaya iyi haina kupera uye yave kutarisirwa kuzeyiwa zvekare svondo rinouya pachasanganazve Politburo.

Mutauriri weZanu-PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio7 kuti vave kumirira kuti vanoronga misangano yebato kana kuti Commissariat vapedze hurongwa hwekuti ndivanani vachakwikwidza musarudzo dzema primary Politburo isati yatora matanho.

Vakawanda vari kutaura neStudio7 vanoti havasi kufara nezviri kuitwa mukusarudza kwevachamirira bato nekuti hapana jekerere.

VaKhaya Moyo vatiwo dzimwe nyaya dzakakurukurwa dzinosanganisira nyaya yegwara rezvavanoda kuita vakakunda kana kuti election manifesto uye mbatya dzekutsvagisa rutsigiro.

Asi vachitaura neStudio 7 munyori wezvemutemo muZanu-PF, uye vari nhengo yePolitburo, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vane mitemo yakajeka yekuti ndiyani anopinda musarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG