Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu 30, Zvita 2016


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri weMDCT, VaMorgan Tsvangirai, vanoti hurumende inofanira kuvandudza nyaya dzekurima pamwe nekuvhura maindasitiri kuitira kuti hupfumi hwenyika husimukire.

Sangano revarimi reCommercial Farmers Union rokurudzira kuti vari kupihwa zvikwanisiro zvekurima nehurumende vazvishandise nemazvo.

Vagari vekwaChiadzwa vari kuchema-chema nekushanduka kwaita hupenyu hwavo izvo zvopa kuti tsika yehupfambi nemamwe mabasa erima zvitekeshere munharaunda iyi.

Dambudziko rekushaikwa kwemari munyika rave kuita kuti kambani yeFidelity Printers and Refiners, itadzewo kuwana mari yekutenga goridhe kunyanya kubva kune vemakambani madiki anochera chicherwa chakakosha ichi.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk, nhasi na8pm tiri kutaura nemi vatereri nemamiriro ange akaita gore ra2016 neshuviro dzenyu muna 2017

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 13860. 15460 ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Misoro yeNhau, Chishanu Zvita 30, 2016
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG