Accessibility links

Breaking News

Muzvare Thokozani Khupe Vanodzingwa muNational Assembly?


Muzvare Thokozani Khupe
Muzvare Thokozani Khupe

Vakafanobata chigaro chemutaururi wedare reparamende, VaReuben Marumahoko, nemusi weChina vakazivisa dare kuti vakange vatambira chikumbiro chakapihwa dare iri neMDC- T inotungamirwa naVaNelson Chamisa chekuti Muzvare Thokozani Khupe avo vari kuzvitiwo ndiwo mutungamiri webato iri, vamiswe kuva nhengo yebato iri.

Asi Muzvare Khupe vanoti vashamiswa zvikuru nemaitiro aya nekuti vainge vaendesa tsamba kuna mabharani mukuru wedare, kana kuti Clerk of Parliament, VaKennedy Chokuda, vachivazivisa kuti vambomira kuzeya nyaya dzeMDC kusvika dzagadziriswa kumatare.

Zvickwata zviviri izvi zviri kurwira masimba pamwe nekodzero dzekushandisa zita rekuti MDC-T.

VaNelson Chamisa vanoti ndivo mutungamiri webato iri zvichitevera kusarudzwa kwavo nedare reNational Council.

Ukuwo Muzvare Khupe vanoti ndivo chaivo vakafanobata chinzvimbo chekumutungamiri webato zvichitevera kushaya kwaVaMorgan Tsvangirai mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata VaChokuda sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vaudza Studio 7 kuti vari pazororo nekudaro havana zvekutaura pari zvino.

Pasi pebumbiro remutemo chikamu chechimakumi maviri nepfumbamwe kana kuti Section 129 (1) bato rinokwanisa kuti nhengo yaro idzingwe muparamende kana ichinge isisiri nhengo yebato racho.

Semuenzaniso, Zanu-PF yakadzinga nhengo dzedare reseneti dzinosvika makumi maviri dzainzi inhengo dzechikwata cheG40. Rimwe gweta rinombomirira Amai Khupe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vati Muzvare Khupe vanokwanisa kukwikwidza nyaya iyi kumatare.

Nyaya yekuti VaChamisa vanokwanisa here kana kuti kwete kudzinga Doctor Khupe iri kutemesa magweta musoro zvichiunza kusawirirana panyaya iyi.

Vamwe vanoti dare reparamende rakurumidza kumedza kutsenga richada asi vamwe vachiti kana hurumende yakatombopa chikwata chaVaChamisa mari inopihwa mapato ezvematongerwo enyika uyu mucherechedzo wekuti ndivo vari panyanga.

Asi vamwe vanoti chakaita hurumende kutumira chete mari kukero yebato iri mumaoko ehurumende izvi zvakapa kuti mari itumirwe kuHarvest House.

Mutauriri weMDC inotungamirwa na Doctor Khupe, VaObert Gutu, vanoti dare reparamende rakakurumidza kumedza kutsenga sezvo nyaya iyi ichiri kumatare.

Asi gweta uye vari mukokeri weMDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti Muzvare Khupe vakadzingwa mubato zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG