Accessibility links

Breaking News

Vanonyepera Madzimai Kuti kuKuwait Kune Mabasa Vovapinza muHunhapwa Voendeswa kuMutare.


Kuwait Palace of Justice
Kuwait Palace of Justice

Vanhu vanomwe nemusi weChishanu vakamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuendesa vanhu muhutapwa kuKuwait kana kuti human trafficking.

Vanhu ava vari kupomerwa mhosva yekutyora chikamu 3 (1) chetrafficking in Persons Act chapter 925.

Vanomwe ava vanonzi vange vachinyepera kuti vane kambani inokwanisa kutsvagira vanhu mabasa ekushanda kumahotera kuKuwait asi vanhu vacho kana vaenda ikoko voshanda mudzimba senhapwa kwemaawa akawanda vasina kuzorora.

Vakasungwa ava ndi Lucia Chibayambuya, Lawrence Chibayambuya, Faith Magora, Josephine Gondo, Tonderai Gondwa, Fadzai Nyandoro naEdgar Gora.

XS
SM
MD
LG