WASHINGTON D.C. —
Sangano reMasvingo Centre for Research Advocacy and Development, kana kuti MACRAD, rinoti rine zvirongwa zvakawanda zvekubatsira vanhu vemudunhu iri panguva ino vanhu vakawanda vave kutambura zvakanyanya nekuda kwekunzi vagare mudzimba munguva yekurwisa denda reCovid-19.
Mukuru wesangano iri, VaEphraim Mutombeni, vanoti sangano ravo riri kunzwa vanhu vakawanda vari kuchema chema kuti kodzero dzavo dziri kutyorwa zvakanyanya madzimai.
VaMutombeni vanoti vanhu vakawanda vari kubviswa munzvimbo dzavanogara, uye vagari ava havasi kuziva kuti vachaendeswa kupi.
Ngatinzweyi hurukuro yavaita na Blessing Zulu weStudio7.
Facebook Forum