Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dziri Kurima kuSikato kuMasvingo Dzoramba Kubviswa neHurumende Munzvimbo Iyi


Masvingo evictions
Masvingo evictions

Mhuri dziri munzvimbo yeSikato pedyo neMasvingo eGreat Zimbabwe, dzapihwa mazuva manomwe ekuti dzibve mupurazi madziri kugara, iro raiva remurungu radzakatora munguva yehondo yeminda.

Hurumende inoti vanhu ava vakatora minda iyi zvisiri pamutemo.

Sadunhu wenzvimbo yeSikato kuMasvingo, VaTitison Haruzivishe pamwe nasabhuku Henry Makusha, vasungwa mushure mekuramba kusaina magwaro abva kuhurumende ekuti vaudze vanhu vavo kuti vabude muminda iyi.

Asi nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti mapurisa akanganisa zvikuru kusunga vanhu ava.

Mumwe mugari, VaRemison Dengu, vanoti kunyange hazvo vasunga vakuru vavo, ivo vacharamba vakashinga vari pamisha yavo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMasvingo, Inspector Charity Mazula, vati havasi kuziva nezvekusungwa kwaVaHaruzivishe naVaMakusha, vachiti vanga vasiri muhofisi.

Nzvimbo yeSikato ine mabhuku manomwe anoti, Muza, Chikutuva, Manunure, Makasva, Banga, Sithole nerekwa Marukutira.

Mhuri dziri mubhuku manomwe aya dzikabatanidzwa, dzinoita vanhu vanosvika zviuru zvishanu.

Mugari wemubhuku rekwaChikutuva, VaEdmore Matarirano, vanyunyuta zvikuru nekudzingwa kwavari kuitwa munzvimbo yavo nehurumende yebato ravo ravati vakatsigira kuti ridzoke panyanga musarudzo dzegore rapera.

Hurumende kubudikidza negurukota rebazi rezveminda nezvekurima, VaPerence Shiri, vakati vachabvisa vanhu vakazvigarisa voga nekuti vakatyora chikamu chemutemo we Gazetted Land Act.

Mutsamba dzapuwa vagari ava dzakabva kubazi iri, hurumende inoti vagari ava vakazvigarisa zvisiri pamutemo uye vakasvika musi wa 15 Ndira vasati vabva, vachasungwa vvachiendeswa kumatare edzimhosva.

Mumwe mugari, Amai Kundai Haruziveshe, vanoti ivo hurumende iri kuvadzinga munzvimbo yemadziteteguru avo.

Vamwe vataura neStudio7 vanoti vave nemakore gumi nemasere vachigara munzvimbo iyi uye vakavaka misha yavo yakakura vachishandisa mari dzakawanda nekudaro havangasiyi kana kuputsa misha iyi sezvo hurumende isina kuvaudza kuti ichavaripa here kana kuvapa imwe nzvimbo yekugara.

Amai Virginia Machida, avo vanoti vakabva kwaChivi muna 2000, vanoti vave nemusha nezvipfuwo zvakawanda zvisingadi kutamiswa-tamiswa

Mumwe mugari, VaTawanda Munhundiripo, vati hurumende iri kutyora bumbiro remitemo kana ichivadzinga isina kuvapa imwe nzvimbo yekunovaka misha yavo, pamwe nekuvabhadhara kuvabvisa pavanogara.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu muMasvingo, VaOmen Mafa, vati hurumende yaita zvisiri pamutemo nekuti bumbiro remitemo yenyika hariibvumidzi kudzinga vanhu vasina kupihwa mvumo nedare repamusoro redzimhosva, uye haina kutevedzera gwara remutemo zvakakwana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaShiri divi ravo panyaya iyi.

Asi vagari ava vanoti havasi kuzotevedzera zviri mutsamba dzavapihwa, uye vakatogadzirira kusungwa.

Pari zvino vagari ava vari kutsvaga magweta angavabatsire panyaya yavo.

Vagari ava vakatora purazi rainzi Mzero, iro raiva raVaNorman Richards mugore ra 2000.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG