Accessibility links

Breaking News

Vagari Vofarira Michina yeBRV kuMarondera


BVR
BVR

Vagari vekuMarondera vanoti vanotambira hurongwa hwekunyoresa vavhoti hweBiometric Voter Registration, kana kuti BVR, vachiti hunoderedza mukana wekubira sarudzo.

Asi vanoti havana chivimbo chekuti komisheni yesarudzo inotungamirwa naJustice Rita Makarau inokwanisa kuita sarudzo dzakachena gore rinouya.

Vachitaura pamusangano wekutsanangura hurongwa hweBRV hwange hwakarongwa neZimbabwe Election Support Network, ZESN, mumusha weDombotombo kuMarondera neChina, vagari vemuguta iri vati vanozviziva kuti chirongwa ichi chinoderedza mukana wekubirwa.

Asi vagari ava vanoti pane zvakawanda zvinofanira kuitwa kuti nyika iite sarudzo dzakachena.

Vanotiwo sezvo pachishandiswa mitezo yavanhu yakaita sezvigunwe, maziso nezvimwe, vanhu vanogona kupinda mutsekwende yekudamburwa maoko sezvakaitikia muna 2008.

Mumwe mugari wekuMarandora, VaCheyman Mataka, vaudza musangano uyu kuti veZimbabwe Electoral Commission, Zec, vanofanira kuona kuti hurongwa hweBVR hauzoshandiswa kuti vhundutsira vanhu.

Vatiwo kunyange hazvo hurongwa uhwu hwakanaka chose asi vanoti hapana nguva yakakwana yekudzidzisa vanhu pamusoro pehurongwa uhwu.

Mashoko aya atsigirwa naAmai Viola Nyawasha vanogara mumusha weParadise avo vati vazhinji kumaruwa havana ruzivo pamusoro peBVR.

Mugari wemuMarondera, Amai Elizabeth Garimoto, vanoti kunyange hazvo vachifarira BVR chishuwo chavo change chiri chekuti vanhu vanogara kunze kwenyika dai vakwanisa kunyoresawo kuvhota vari kwavanogara.

Zec inoti ichatanga kuumba gwaro idzva resarudzo dzegore rinouya mwedzi unouya uye chirongwa ichi chichaitwa kusvika muna Mbudzi.

Pari zvino Zec iri kutoedza kuti michina iyi iyo iri kubva kumakambani ekuGermany neChina inoshanda sei isati yatanga kunyoresa vahoti.

Asi VaMsimba Ruzvidzo vanoti havana chivimbo chekuti Zec inotungamirirwa naAmai Makarau inokwanisa kuita sarudzo dzakachena.

VaRuzvidzo vaudza Studio7 kuti vanotambira zvikuru chirongwa cheBVR asi havasi kufara kuti Zec iyo inogara ichipomerwa mhosva yekubira sarudzo nekutsigira bato reZanu PF, ndiyo iri kutungamira chirongwa ichi.

Vemapato anopiksa apinda musangano wanhasi vakaita saVaFrank Chamurorwa vePeople’s Democratic Party, VaTinashe Makumbi VeProgressive Democrats of Zimbabwe vatiwo kunyange hazvo vachivimba neBVR vane zvichemo zvavowo zvikuru sei chekuti nguva yekunyoresa ishoma nechekuti komisheni yeZec inofanira kushanda yakazvimirira pasina kupindira kwehurumende.

Vati mapato ese achakwikwidza ane hurongwa hwekuona mutungamiriri wenyika pamusoro pezvichemo izvi.

Amai Heather Koga avo vanove mumwe ange akamirira ZESN pamusangano uyu vati vachatora zvichemo zvevanhu vanozvitura kuZec, hurumende neparamende.

VeZec vatadza kuuya kumusangano wanhasi vachiti vange vakabatikana nechirongwa chekuyedza mashindiro emichina yeBVR.

Hatina kukwanisa kutaura nevakuru vakuru vebato reZanu PF muMarondera kuti sei vatadza kupinda musangano wanhasi kunyange hazvo vange vakakokwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG