Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vogara seVaranda kwaMarange Kuri Kucherwa Mangoda neHurumende


Local miners prospecting for diamonds in Zimbabwe's Marange fields.

Vagari vekwaMarange vanoti vari kurarama hupenyu hwekudzvinyirirwa nekuda kwemutemo unochengetedza minda yemangoda.

Vagari ava vanoti nepamusana pematambudziko avari kusangana navo, vaona zvakakodzera kuendesa gwaro renyunyuto kudare reparamende nemamwe masangano ane chekuita nekusimudzira kodzero munyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare neChipiri, vamwe vagari vekunzvimbo iyi vanoti vari kutyorerwa kodzero dzavo zvakanyanya, kushungurudzwa pamwe nekuurayirwa hama dzavo.

Sabhuku Piano Chipindirwe vanoti vari kurarama sevanhu vari mujere sezvo vasichakwanisi kufamba zvakasununguka mudunhu, kanawo kushanyirwa zvakasununguka.

Vataura vakamirira Sabhuku Mukwada veWard 29 kwaMarange, VaFarikai Njeza, vatiwo kutubuka kwemangoda kunzvimbo yavo kwakaunza kushupika kukuru panzvimbo yekuti mangoda avandudze hupenyu hwavo.

VaNjeza vanoti kuvepo kwemangoda hakusi kuvandudza hupenyu hwedunhu ravo sezvo kusina mabasa ari kuwaniswa vagari huye pasina budiriro iri kuitwa muzvimbo yavo.

Mutungamiriri weBocha Community Diamond Trust, VaMoses Mukwada, vati kambani yehurumendeiri kuchera mangoda pari zvino yeZimbabwe Consolidated Diamond Company, iri kutonyanya kudzvanyirira vanhu kukunda zvaiitwa nemamwe makambani ekunze akamiswa kuchera mangoda muna 2016.

VaMukwada vati chikumbiro chavo kuhurumende ndechekuti vabatwewo sevanhu.

Mumwe mugari, VaGladys Mavhuza, vati vari kurarama semhuka kwaMarange sezvo vasingafambi zvakasununguka huye vachirumiswa nembwa nevekambani yeZCDC.

Mumwe mugari, VaMalvern Mudiwa, vashoropodza hurumende vakati vari kubatwa neseri kweruoko kukunda zvavaiitwa panguva yehurumende yaVaIan Smith.

VaMudiwa vademba kuti dai hurumende yakatovatamisa havo kuvaisa kune imwe nzvimbo pane kushungurudzwa kwavari kuitwa.

Nekuda kwematambudziko avari kusangana nawo, vagari ava vanyora tsamba yenyunyuto yaendeswa kudare reparamende, komisheni yeZimbabwe Human Rights Commission nemamwe makomisheni, gurukota rinomirira dunhu reManicaland, nemasangano mudunhu reAfrica anorwira kodzero.

Vagari ava vaita izvi vachibatsirwa nesangano rakazvimiririra reCentre for Natural Resources Governance.

Kambani yeZCDC ndoiri kuchera mangoda pari zvino kunzvimbo iyi mushure mekumiswa kwemamwe makambani.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri wekambani yeZCDC, VaSugar Chagonda, kanawo kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG