Akafanobata chigaro chemurairidzi weZimbabwe Warriors,Norman Mapeza, anoti ino yave nguva yekukanganwa zveWorld Cup yoitwa nguva yekusimudzira gadziriro yemafainari e2021 Africa Cup of Nations.
Mapeza anoti ave kutora nguva ino kuvaka chikwata chake chemakundano eAfcon ayo achaitirwa muCameroon muna Ndira.
Mapeza anoti ave kukanganwa zveWorld Cup achitora mitambo miviri yasara mumakwikwi aya kugadzirisa chikwata chake chemafainari eAfcon aya
Asi hazvisi pachena kuti Mapeza achange ari pabasa pachaitwa mafainari aya sezvo chibvumirano chake chebasa neZifa chiri kupera muna Mbudzi mafainari eAfcon asati aitwa.
Asi muteveri wemutambo uyu, VaStanford Mahweni, vanoti Zifa inofanira kuwedzera mazuva aMapeza ari pabasa kusvika Afcon yapera.
Zifa yakati Mapeza akaita zvinofadza pamitambo yeWorld Cup, ichamuwedzera nguva kusvika Afcon yapera.
Mapeza pachake anoti ari kufara nematambiro akaita chikwata chake neGhana achiwedzera iye kuti dai vakaita raki zvishoma dai vakakunda mumutambo wanezuro.
Asi vakawanda havasi kutenderana nazvo vachiti chikwata ichi chakatatarika zvinotyisa uyezve chiri kutambisa vatambi vadarikwa nenguva
Vatambi vakaita saKnowledge Musona, Khama Billiat, Kuda Mahachi, Thabani Kamusoko, Bruce Kwangwa naWashington Arubi vakatanga kutambira chikwata ichi kare ka
Zimbabwe ichine mitambo neEthiopia pamwe neSouth Africa mumakundano e2022 World Cup.
KuAfcon, Zimbabwe iri mugungano rimwechete neGuinea, Malawi, neSenegal.
Zvikwata zviviri kubva mugungano iri ndizvo zvinoenderera mberi nemakundano aya.
Facebook Forum