Accessibility links

Vakaparadzirwa Dzimba paManzou Vochema Vachiti Hutano Hwavo Hwaiswa Pakaoma


Zimbabwe First Lady

Rimwe sangano ravana chiremba vanorwira kodzero dzevanhu rinoti vagari vepaArnold Farm, kana kuti Manzou, avo vakapwanyirwa pamwe dzimba dzavo vari panjodzi yekubata zvirwere zvakasiya-siyana.

Munyori musangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Evans Masitara, vanoti kunyange hazvo vasati vaita ongororo yehutano kupurazi iri, vanhu vakaputsirwa pekugara ava vanogona kusangana nenjodzi dzehutanodzinosanganisira mabayo, nechirwere che malaria.

Mumwe mugari wekuArnold Farm, Ambuya Mavis Jangadzi, vanoti vave nemasvondo matatu vachirara panze, uye vasina zvekudya zvakakwana.

Mumwe wevagari vekuArnold Farm asina kuda kudomwa nezita rake sezvo achitya kuzivikanwa nemapurisa ari kuchengetedza nzvimbo iyi ayo ari kurambidza mota kupinda nekubuda papurazi apa,anoti kunyange akarwara, zvave kumuomera kuenda kuchipatara.

Mumwe mugari akada kuzivikanwa nezita rekuti Samaita anotiwo hutano, kunyanya hwevana nemadzimai ane pamuviri, huri panjodzi nekuda kwemabatirwo avari kuitwa papurazi apa.

Munyori musangano rinomiririra vagari vepapurazi iri, Arnold Farm Community Association, VaInnocent Dube, vanoti nekuda kwekutyorwa kwekodzero dzavo dzinosanganisira kodzero yehutano nepekugara, vanoti vakaendesa zvichemo zvavo kuZimbabwe Human Rights Commission pamwe nekuSADC asi vanoti pari zvino hapana mhinduro yavati vawana

VaMasitara vakurudzira kuti sangano reZimbabwe Human Rights Commission riongorore nekukasika matambudziko ari kuArnold Farm.

Asi Zimbabwe Human Rights Commission yakaudza vatori venhau kuti ichiri kuongorora kutyorwa kwekodzero papurazi iri.

Purazi reManzou rakapihwa mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, kuti vachengete mhuka dzesangano, izvo zvakazoita kuti vanhu ava vaputsirwe dzimba dzavo.

Dare rakapa mutongo wekuti hurumende itange yatsvagira vanhu ava pekugara isati yavadzingwa.

Asi izvi hazvina kutevedzerwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG