Accessibility links

Vaigara Mupurazi reManzou Voramba Vachishungurudzwa naAmai Mugabe

  • Blessing Zulu

Vagari vepa purazi reManzou, kuMazowe vanoti kunyange hazvo vakaita musangano nekomisheni yezvesarudzo vachitaura nezvekutyorerwa kodzero dzavo nemapurisa anonzi akatumwa naAmai Grace Mugabe kuti avabvise nechisimba papurazi iri, kushungurudzwa kwavo kuri kuenderera mberi.

Sachigaro wekomisheni yeZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, vanoti chikwata chavakatumira kuManzou chiri kuita ongororo yekuona kuti kodzero dzevanhu ava dziri kutyorwa here kana kuti kwete.

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimRights rashorawo zvikuru nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu nemapurisa papurazi iri.

ZimRights inoti Amai Mugabe nemapurisa vanofanira kutevedzera bumbiro remitemo yenyika.

Dare repamusoro rakambotongawo kuti vanhu ava vasabviswe asi hapana akazviteerera uye mapurisa ari kupomerwa mhosva yekutowedzera kushungurudza nekurova vanhu ava.

Vagari ava vakatanga kugara papurazi iri muna 2000 asi gurukota redunhu reMashonaland Central, VaMartin Dinha, vanoti purazi iri rakazopihwa Amai Mugabe kuti vachengetere mhuka.

Asi vamwe vanoti purazi iri rine goridhe rakawanda rinogona kuva riri iro rakapa kuti paite mutauro wakanyanya.

Mumwe mugari wepapurazi iri, Amai Susan Kufakunesu, vanoti zvitangwena zvavange vavaka zvakaputswa pamwe nematanga emombe.

Vanoti vave kutorara pamhene nguva dzose nevana vavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG