Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshorerwa Mashoko Avakati "Vakakomberedzwa neMatsotsi"


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kushorwa nevakawanda mushure mekunge vaudza komiti yepamusorosoro mubato ravo reZanu PF kuti vakakomberedzwa nemakoronyera muhofisi mavo.

Vachitaura pamusangano wekomiti yepamusorosoro mubato ravo yeCentral Committee wakaitirwa pamuzinda weZanu PF neChitatu, VaMnangagwa vakati vakakomberedzwa nematsotsi muhofisi mavo ari kuita zvehuori.

VaMnangagwa vakati pane vanhu vari muhofisi mavo vavasina kudoma nemazita vavakati vari kubhadharisa vanhu mari dzechiokomuhomwe kuti vemabhizimusi vanenge vachida kusangana navo vavaone.

Asi mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Sekai Chirundazi, vanoti VaMnangagwa vanofanira kuona kuti vanhu vakadai vasungwa kana vakamira pachokwadi semutungamiri wenyika panyaya yekurwisa nehuori.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri weMDC yaVaNelson Chamisa, VaMorgan Komichi, vaudza Studio 7 kuti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti hove inotangira kuora kumusoro.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchemnehembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti mashoko aVaMnangagwa aya anoratidza kuti nyika yakapambwa.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe kuti matanho achatorwa naVaMnangagwa panyaya iyi ndeapi.

Vaimbova mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakabviswa pachigaro nemasoja zvechisimba masoja achiti paive nematsotsi akange akavakomberedza zvakazopedzisira zvaita kuti VaMnangagwa vatore matomhu kubva kuna VaMugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG