Accessibility links

Breaking News

VaMandiwanzira Vanotsamwisa Nhengo dzeParamende Mukuzeyiwa kweNyaya yeTelecel


Supa Mandiwanzira
Supa Mandiwanzira

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko dzatsamwa zvikuru padzaudzwa negurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, pavaudza nhengo idzi kuti hurumende yakagona zvikuru kutenga zvikamu zvekambani yenharembozha, yeTelecel.

VaMandiwanzira, avo vanga vashevedzwa nekomiti iyi kuti vatsanangure kuti sei hurumende yakatenga zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zveTelecel, vati hurumende yakagona zvikuru kutenga zvikamu zvekambani iyi.

Vatiwo chinangwa chehurumende hachisi chekuchengeta kambani yeTelecel iyi. VaMandiwanzira vati hurumende iri kuda kutora kambani iyi yese zvayo kuti vaisuke madhaka aiinawo vozoitengesa kana yakunyatsoiita mari kuti iwanise vana veZimbabwe pundutso sezvo yanga iri kuwanisa vekunze mari chete pasina zvaiwanikwa nenyika.

VaMandiwanzira vati kunyange hurumende ichizivikanwa nekutadza kumutsa makambani ari pasi payo, vati zvakakosha kuti nhengo dzeparamende dzione mutsauko kuti pave nehurumende itsva nekudaro haifanirwi kupomerwa zvaikanganiswa nehurumende yaVaMugabe.

Asi imwe nhengo yekomiti iyi, VaJames Maridadi, vanomirira Tafara Mabvuku muparamende, vashora hurumende zvikuru nekutenga masheya muTelecel.

VaMaridadi vati hurumende ine makambani akawanda asiri kuita mari kusanganisira kambani yenharembodza yeNetOne, vakati Telecel ichazongoondomokawo semamwe makambani ehurumende.

VaMandiwanzira vati hurumende yakatenga zvikamu zveTelecel nemamiriyoni makumi mana emadhora.

Vati hurumende haina wayakabatirira asi yakagona kuita bhizimusi nokutenga kwayakaita zvikamu zveTelecel.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG