Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Yogadzira "App" Ichashandiswa Mumutauro weMaoko


Imwe nyanzvi munyaya yekugadzirwa kwemichina yeruzivo, VaDominic Tapfuma, vanoti vave nemakore mapfumbamwe vachigadzira nzira itsva yechishandiso, kana kuti App, inenge iri pakombiuta nenharembozha, ichaita kuti vanhu vakwanise kudzidza mutauro wemaoko.

VaTapfuma, avo vanoshandira rimwe bhanga muHarare vanoti apu iyi ichaita kuti vanhu vakurumidze kubata mutauro wemaoko.

"Chirongwa ichi ndakachipa zita rekuti purple signs, zvichienderana nehumambo hweruvara hwe purple, humambo hwekunzwisisana pakutaura. Saka chirongwa ichi ndechekuti kana iwewe uri munhu anonzwa kana asinganzwe ndinenge ndichida kuti munge muchinzwisisana," vadaro VaTapfuma.

VaTapfuma vanoti vakapihwa shungu yekuita izvi mushure mekunge vaona dambudziko riri kusangana nevasingagone kutaura kana kunzwa.

VaTapfuma vanoti vakawanda vasingagone kutaura kana kunzwa vari kushaya mikana muhupenyu nepamusana pekutadza kuenda kuchikoro chaiko.

VaWonderful Mupazviribwo, avo vane makore makumi matatu nematanhatu, vanoshanda pamwechete naVaTapfuma. Vanoti zviri kushingairirwa naVaTapfuma zvinogona kuzobatsira vasingagone kutaura kana kunzwa apo vanotsvaga zvavanoda munzvimbo dzakaita semuma bhanga.

Va Simba Nyakupinda vanoti chirongwa chaVa Tapfuma chikabudirira, chinofanira kuzoshandiswa muzvikoro.

"Vana pavanodzidziswa kuti zita rangu ndini Tawanda, in English unoti chakati, dai paripo panonzi in sign language unodai so. Kuitira kuti nevadiki ivavo vanowaniswa ma skills ekuti vakasanga nemunhu anotaura sign language havashamisweba. Vanokwanisa kubva vataura naye nemutauro iwoyo. Vanokwanisa kutotamba naye nekuti vanenge vadzidziswa matauriro anoitwa ne sign language," vadaro VaNyakupinda.

/////////End Act//////////

VaNyakupinda vanoti kudzidzira mutauro wemaoko kwakakoshera munhu wese muZimbabwe, kwete vana voga.

Muzvare Patience Mutipidzi, avo vari kuita zvidzidzo zvavo zvekutapa nhau vari muHarare, vanotsigira kuti dambudziko rakatarisana nevasingagone kutaura kana kunzwa, rakakura chose.

Muzvare Mutipidzi vanoti matanho ari kutorwa naVaTapfuma akakosha, asi hurumende inofanira kupindirawo munyaya iyoyi kuti zvinhu zvinyatsogadzirike.

"I think kunofanira kuitwa ma classes, ma lessons chaiwo kubva mwana achitanga kana grade one odzidziswa sign language, yova one of the languages dzevana ivavo achingodzidziswa ma basics. Kana azosangana nemunhu akadaro haachamunyenyeredzi, asi anokwanisa kutaura naye ma basics achona," vadaro Muzvare Matipidzi.

Mumwe mugari wemuHarare, Mzvare Evenia Muzira, vanoti chiri kufadza ndechekuti vamwe vemachechi vave kuenda vachibatsira pamatambudziko anosangana nevasingagone kutaura kana kunzwa.

"Dambudziko iri rinenge riri kugadziriswa, nekuti kuchechi kwandinopinda ku Seventh Day Adventist kutori ne department rinonzi re special needs rinova rinevanhu vasinganzwi nevamwe vasingagone kutaura. Department iroro ritori nevamwe vanorimiririra, rine vanhu vanoti kana pachitaurwa zviye muchechi ivo vanenge vachito interpreter kuti vange vachitonzwisisanawo nevamwe, vadaro Muzvare Muzira.

Vakawanda vane ruzivo nezviri kuitwa naVaTapfuma, vanoti shuviro yavo ndeyekuti apu iri kugadzirwa iyi, ibudirire, kuitira kuti remangwana revanotaura nemutauro wemaoko, pamwe nevakaremara, rijeke.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG