Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vokurudzirwa Kubatsira Mukurwisa Chirwere cheMalaria


Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva reMalaria uye vanhu zvikamu makumi mashanu kubva muzana vakatarisana nedambudziko rekubatwa nechirwere ichi.

Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva reMalaria uye vanhu zvikamu makumi mashanu kubva muzana vakatarisana nedambudziko rekubatwa nechirwere ichi.

Dr Trymore Sithole chizvarwa cheZimbabwe chinova chiremba kuAlgeria. Dr Sithole vanoti vechidiki vane basa rakakura mukubatsira mukurwisana nechirwere ichi.

“Dzidzo yakakosha zvikuru mukurwisa chirwere ichi, vanhu vakawana ruzivo vanenge vokwanisa kudzirira kupararira kwechirwere ihci. Vechidiki vanokwanisa kunyora mitambo kana kuti nhetembo kudzidzisa vanhu. Izvi ndizvo zvakaitwa kudzivirira mukondombera weHIV uye zvakabatsira,” vanodaro Dr Sithole.

Sangano reWorld Health Organization rinoti vanhu vanosvika zviuru mazana mana muZimbabwe vanobatwa nechirwere che malaria. Dr Sithole vanoti vanhu vakawanda zvikuru kumaruwa vakatarisana nenjodzi yekubatwa nechirwere che malaria sezvo kusina zvipatara zviri padyo navo.

VaSithole vanoti vanhu vemu Zimbabwe havana ruzivo rwakakwana nezvenyaya yekudzivirira malaria zvopa kuti vanhu varambe vachifa.

Pakudzivirira chirwere ichi, Dr Sithole vanoti zvakakosha kuti vanhu vaparadze nzvimbo dzose dzinoberekera humhutu.

“Vanhu vanokwanisa kushandisa mishonga kudira munzvimbo dzinoberekera humhutu, vanokwanisawo kushandisa mishonga inonhuwa inodzinga humhutu.

Piritsi rinonzi prophylaxis rinokwanisa kunwiwa nevanhu vanenge vachifamba kunzvimbo dzine dambudziko rechirwere chemalaria,” Dr Sithole vanotsanangudza.

Mukubatsira chirongwa chekurwisa chirwere ichi, hurumende yeAmerica kuburikitsa nemuzinda wayo uri muHarare, yakapa Zimbabwe mari inosvika madhora mamiriyoni gumi nemana nemusi weMuvhuro.

Mumakore mana anotevera, pane nyika nhanhatu dzemuAfrica dzinonzi dzinenge dzakwanisa kurwisa chirwere chemalaria.

Sangano reWHO rinori nyika idzi dzinoti, Algeria, Botswana, Cape Verde, Comoros, South Africa ne Swaziland.

Hurukuro na Dr Sithole
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG