Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti nyaya yekutungamira sarudzo muZimbabwe yakaoma zvikuru sezvo mapato ose anenge achichema chema nemabatirwo esarudzo.
Asi vanoti izvi zvinhu zvavanotarisira.
“Handifuge kuti ibasa riri nyore nekuti mumwe nemumwe anokwikwidza anenge achida kubudirira. Saka mukukwikwidza imomoka, referee akatemwa nebhora hazvina basa, chero tabudirira mugame redu.”
Nyaya yekuti Zimbabwe inonzi haifambise sarudzo zvakanaka ndicho chimwe chikonzero chakapawo kuti itemerwe zvirango neAmerica nedzimwe nyika dzekumawirira zvikuru dziri musangano reEuropean Union.
Amai Makarau vanoti vakazvipira kushanda nemapato ose ezvematongerwo enyika uye masangano anoita zvesarudzo akaita seZimbabwe Elections Support Network neElection Resources Center kana kuti ERC.
Facebook Forum