Accessibility links

Breaking News

Amai Makarau Vanoramwa Kupinda Musangano Vachiti Vaneta neKunyombwa


Justice Rita Makarau
Justice Rita Makarau

Musangano wange wakarongwa neZimbabwe Electoral Commission nemapato ezvematongerwo enyika watadza kuitwa muHarare neChipiri mushure mekunge sachigaro weZEC, Justice Rita Makarau, vabuda mumusangano uyu vachiti vaneta nekubatwa neseri kweruwoko nemapato aya.

Amai Makarau, avo vange vakatsamwa zvikuru, vaudza vamiriri vemapato aya, kuti semaonero avo, misangano yavanoita nemapato aya haisi kushanda nekuti nekudaro vachagara pasi seZEC voona kuti voita sei.

Vati mapato aya anovashoropodza nekutaura zvisina kunaka pamusoro pavo mumapenhau nyaya dzinofanira kutaurwa mumusangano wakaita sewange uchifanira kuitwa neChipiri.

Amai Makarau vapawo mapato muenzaniso wenyaya dzakabuda mumapenhau eThe Daily News pamwe NewsDay uye vati havasi kuzobvuma kuramba vachibatwa neseri kurowoko nemapato aya.

Vatiwo musangano wanhasi wange usinei nekuda kuratidzira kuri kuda kuitwa mangwana nemamwe mapato ange auya kumusangano uyu.

Amai Makarua vabva vaudza dzimwe nhengo dzeZEC nevashandi vekomisheni iyi kuti vabude muimba mange muchifanira kuitirwa musangano uyu ndokuenda kuhofisi kwavo vachisiya vamiriri vemapato aya vari vega.

Asi izvi hazvina kufadza vamiriri vemapato ange auya kumusangano.

Vamwe vamiriri vemapato aya vaudza Studio7 kuti zvaitwa naAmai Makarau kuvashora zvakanyanya uye vanofanira kuziva kuti vanobhadharwa nemari yemitero inobhadharwa neveruzhinji rweZimbabwe.

Asi mushure mechinguvana, mapato aya azobvumirana kutuma nhume dzawo kunoita musangano naAmai Makarau muhofisi mavo.

Vachitaura apo vapedza musangano naAmai Makarau, munyori mukuru weMDC – T, zvakare vari mutauriri wekomiti yemapato ezvematongerwo enyika panhaurirano neZEC, VaDouglas Mwonzora, vati vaudza Amai Makarau kuti vakapedzesera vaenda kumapepanhau nekuti ZEC yange isina kupindura tsamba yavo pamusoro pekutengwa kwemichina ye Biometric Voter Registration.

Asi VaMwonzora vati vazobvumirana naAmai Makarau kuti vanofanira kuramba vachiita misangano nemapato aya asi panofanira kurongwa kuti hwaro hwekuti misangano iyi ichafamba sei.

Asi dzimwe nhengo dzemapato aya dzakaita saVaKudakwashe Bhasikiti vePeople First, vati mapato aya anofanira kuchisiyana neZEC otsvaga imwe nzira yekuti sarudzo dzingafambiswa sei munyika.

VaKizito Kuchekwaavo vanoshanda kubazi reCommisariat reZanu PF vati bato ravo haritsigiri zvaitwa nemasangano ari muNational Electoral Reform Agenda pamwe neCoalition for Democracy uye vati semaonero avo danho ratorwa naAmai Makarau rakanaka.

Zvichakadai, veNERA vanoti pamvumo yavapihwa yekuratidzira, vanzi panofanira kuungana vanhu vasingadarike zviuru zviviri nemakumi mashanu uye havasi kubvumidzwa kufamba mumigwagwa.

Mapurisa anoti vanhu ava vanofanira kuungana panhandareiri kuseri kweHarare International Conference Centre uye vanhu gumi chete ndivo vachabvunmidzwa kunosiya gwaro renyunyuto kuna Amai Makarau.

Mapato ari muNERA anoti haasi kufara kuti hurumende yava kuda kutora hurongwa kwekutenga michina yeBVR kubva kuUnited Nations Development Fund sezvo achifungira kuti izvi zvinoita kuti hurumende ipindire mumafambisirwo esarudzo dza2018.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG