Accessibility links

Breaking News

Amai Makarau Vanosiya Basa saSachigaro weZEC


Umgcinisihlalo weZEC uJustice Rita Makarau
Umgcinisihlalo weZEC uJustice Rita Makarau

Sachigaro wekomisheni inowona nezvesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vasiya basa.

Mashoko aya atsinhirwa negurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi.

"Ichokwadi kuti vasiya basa nekuti panga pava ne conflict of interest. Izvi zvakaburitswa nemasangano akazvimirira achinyunyuta kuti havangaite basa ravo nemazvo, ivo vari kuZEC uye vari kuJudicial Services," VaZiyambi vadaro.

VaZiyambi vati Amai Makarau havana kumanikidzwa kusiya basa vachiti vatora danho iri mushure mekunge vaona vega kuti basa ravo riri kukonzeresa mutauro.

"Vasiya vega basa. Vanga vazvionawo kuti paita conflicting," VaZiyambi vaudza Studio7.

VaZiyambi havana kuda kutaura zvakawanda sezvo vanga vakabatika.

Amai Makarau vakanyorerera nhengo dzese dziri mukomisheni yavo neChina manheru pamwe nemutungamiri wenyika, VaEnmerson Mnangagwa, kuti vave kusiya basa.

Studio7 yatadza kubata Amai Makarau kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, Va Tendai Biti, vati kubva pabasa kwaAmai Makarau hakuna zvakunoreva kana mukomisheni iyi muchakazara vanhu vakarerekera kuZanu PF.

Mutauriri weMDC inotingamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vati Amai Makarau vanofanira kuzivisa nyika kuti sei vasiya basa.

Gweta uye vari mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, Va Lovemore Madhuku, vati veruzhinji havafanire kumhanyira kufara kuti Amai Makarau vasiya basa.

Mapato anopikisa akamboratidzira achiti Amai Makarau vasiye basa vachiti havasi kufambisa basa zvakanaka vachiti munhu akarerekera kuZanu PF sezvo vakambove nhengo yeparamende inomirira ZANU PF.

Mapato anopikisa anotiwo Amai Makarau vanga vachitadza kufambisa basa zvakanaka muchirongwa chekunyoresa vanhu kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Vanga vari mutevedzeri waAmai Makarau, VaEmmanuel Magede, ndivo vanzi vave kufanobata matomhu sasachigaro weZEC.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaMagede kuti tinzwe divi ravo.

Vamwe vanoziva zviri kuitika vanoti Amai Makarau vasiya basa iri sezvo vachifungidzirwa kuti vanorerekera kuchikwata che G40, icho chairwira masimba neTeam Lacoste muZanu PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG