Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoisa Mamiriyoni Gumi neMashanu eMdhora Muhomwe yeVarimi veChibage


Chibage
Chibage
Hurumende yapa bhanga rayo reAgribank madhora mamiriyoni gumi nemashanu. Mari iyi ichakwereteswa varimi vechibage senzira yekuona kuti nyika yawana chibage chinokwanira vanhu vese.

Mukuru weAgribank, VaSam Malaba, vati mari iyi ichakwereteswa kuvarimi vemumapurazi makuru vanokwanisa kuzodzora mari yavanenge vakwereta.

Vati sezvo varimi vange vari kuchema chema kuti mabhanga ari kuvakweretesa mari nemutengo uri pamusoro soro vachafarira mari iri kupihwa nebhanga ravo nekuti ine mutengo wepasi we4.5% chete.

VaMalaba vati varimi vanokwanisa kuwana mari iyi kumabhanga avo munyika yese kutanga neChitatu. Asi vatiwo vanotanga vaongorora kuti murimi anokodzera here kupihwa mari nekundooona minda yake uye kuti akagadzirira kurima zvakadiyi.

Vati murumi mumwe achapihwa zana rezviuru zvemadhora. Asi vati mari iyi inogona kuwedzerwa zvichiendarana nekuti varimi vangani vanenge vakumbira kubhanga ravo.

Vati kunze kwechirongwa chekutsigira kurimwa kwechibage, bhanga ravo richishanda ne bhanga reFBC riri kubatsira pakurimwa kwezvirimwa zvakaita sefodya, bhinzi, nzimbe pamwe nekuchengetwa kwemombe nemari inodarika mamiriyoni manomwe emadhora.

Chirongwa chaparurwa neChipiri ndechimwe chezvirongwa zvizhinji zviri kuitwa nehurumende mukusimudzira mabasa ekurima munyika.

VaMalaba vati hupfumi hweZimbabwe hunorarama zvikuru nezvirimwa uye kana mabasa ekurima akasabudirira, mamwe maindasitiri haafambi zvakanaka izvo zvinozotadzisa kubudirira kwehupfumi hwenyika.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima, VaMoses Jiri, vati mari yaiswa parutivi nehurumende yekusimudzira kurimwa kwechibage ishoma sezvo fotireza, mbeu nemishonga yekurimisa zviri kudhura.

Zimbabwe iri kuramba ichitadza kurima chibage chinoikwanira zvisinei nekuti yakabvuta minda kubva kuvarimi vechichena muchirongwa chekuendesa ivhu kuvanhu vatema.

Varimi ava, vazhinji vavo vakaenda kunyika dzakapoteredza Zimbabwe, izvo zviri kupa kuti nyika itenge chibage kunyika dzakaita seZambia.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG