Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Pane Zvakawanda Zvinofanirwa Kuvandudzwa Sarudzo Dzisati Dzaitwa


Advocate Fadzayi Mahere
Advocate Fadzayi Mahere

Bato guru rinopikisa munyika reMDC Alliance rinoti harisi kufara nemashoko emutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ekuti hapana zvinoda kuvandudzwa pamberi pesarudzo dzema by-elections pamwe nesarudzo dzakatarisirwa muna 2023.

VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

VaMnangagwa vakataura mashoko aya pamusangano wePolitburo yebato ravo muHarare neChitatu asi MDC Alliance inoti mashoko aya anoratidza kuti Zanu PF haina kuzvipira kuita sarudzo dzakachena.

Muaturiri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 kuti pane zvakawanda zvinobata nyaya dzesarudzo zvinoda kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa vachiti vanoda kuti sarudzo dziitwe munyika pasina anenge achigunun’una.

Fadzayi Mahere
Fadzayi Mahere

VaMnangagwa vanoti vari kutarisira kuti bato ravo richakunda zvine mutsindo musarudzo dzemuna 2023 pamwe nesarudzo dzechipiri dzema by-elections dzavakati dzichaitwa muna Kurume gore rinouya zvichitevera kufa nekudzingwa kwakaitwa nhengo dzeMDC Alliance muparamende pamwe nemumakanzuru akawanda munyika neMDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora.

Asi Muzvare Mahere vati zviri kutaurwa naVaMnangagwa ndezvemugotsi matsuro sezvo bato ravo rine rutsigiro munyika yose.Vati hurumende yaVaMnangagwa iri kukundikana kusimudzira hupfumi hwenyika zvichapa kuti veruzhinji vasavhotere bato iri.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vanoti hapana musiyano pakati pehurumende yemushakbvu VaRobert Mugabe nehurumende yaVaMnangagwa pamabatirwo enyanya dzesarudzo.

VaMukundu vatiwo iyo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, pachezvayo inotoda kuvandudzwa sarudzo dzisati dzaitwa kuitira kuti pasave negakava rine chekuita nesarudzo sezvinowanzoitika pose panoitwa sarudzo munyika.

Hatina kukwanisa kutaura nasachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi Amai Chigumba vakamboudza Studio 7 nguva yapfuura kuti basa rekuvandudza mashandiro eZEC rinoitwa nedare reparamende kwete nekomisheni yavo.

Sarudzo dzose dzakaitwa kubva pakavambwa bato reMDC muna 1999, kusanganisira sarudzo dzekupedzisira dzakitwa muna 2018 dzinonzi nebato iri dzakabirirwa nebato reZanu PF uye dziri kungoitwa bato iri richingochemachema nguva dzose kuti pane zvinofanira kugadziriswa asi Zanu PF ichiramba yakaisa zvimiti munzeve.

Asi bato reZanu PF rinoti rinokunda zviri pachena musarudzo nguva dzose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

​
XS
SM
MD
LG