Bepanhau reHerald rabvuma kuti raiita basa raro rekuburitsa nhau rakakarerekera kuZanu PF musarudzo dzakaitwa gore rapera, rikati richagadzirisa mashandiro aro sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.
Izvi zvabuda mudare rekuMasvingo zvichitevera kuendeswa kweHerald neZimbabwe Broadcasting Corporation kumatare edzimhosva nesangano reVeritas.
Gweta reVeritas, VaDoug Coltart, vaudza dare redzimhosva kuti ZBC neHerald dziri kutyora chikamu 61 chebumbiro remitemo yenyika icho chinosungira masangano enhau ari pasi pehurumende kupa mikana yakaenzana kumapato ose ezvematongerwo enyika.
VaColtart vaudza dare kuti munguva yesarudzo gore rapera, Zanu PF ndiyo yakawana nguva yakakurisa munhepfenyuro ye ZBC uye mubepanhau re Herald, zvichienzaniswa nemamwe mapato ezvematongerwo enyika.
Mumapepa ari mudare, ZBC ndiyo yekutanga inofanira kupindura zvairi kupomerwa neVeritsa, uye Herald iri yechipiri.
Vachipikisa mashoko aVaColtart, gweta reZBC, Va Evans Moyo, varamba mhosva iyi vachiti nhepfenyuro yavo iri kuita basa rayo nemhazvo, uye inotepfenyura nhau zvakaenzana pasina kutsigira rimwe divi.
Asi Herald haina kutumira magweta kuitira kuti imirirwe mudare mushure mekunge yabvuma mhosva yairi kupomerwa ikavimbisa kuti ichagadzirisa maburitsiro ayo nyaya yadzo.
Veritas yakaendeswo Zimbabwe Electoral Commission mudare pamwe nesangano reBroadcasting Authority of Zimbabwe, asi yazovabvisa panyaya idzi mushure mekuona kuti vange vasineyi nenyaya iyi.
Mutongi wedare, VaJoseph Mafusire, vati vachapa mutongo wavo munguva pfupi inotevera, uye vachazivisa vagweta evange ari mudare zuva ravachapa mutongo wavo.
Facebook Forum