Accessibility links

VaMadhuku Vanoti Kwete kuMubatanidzwa weMapato Anopikisa

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Lovemore Madhuku veNational Constitutional Assembly

Vakafanobata chigaro chemutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti havana hurongwa hwekubatana nemamwe mapato anopikisa vachiita mubatanidzwa wekukwikwidzana nebato reZanu-PF musarudzo dza2018.

Muzvinafundo Madhuku vanotiwo kunyangwe bato ravo risiri kuwana mavhoti akawanda musarudzo dze by elections dzariri kupinda, havasi kuzoregedza kupinda musarudzo idzi sezvo vachiti vari muhurongwa hwekuumba bato ravo kuti rizokwikwidza zvine mutsindo musarudzo dzinotevera.

VaMadhuku vanoti zvido zvebato ravo hazvifambirane nezveZanu-PF kana bato reMDC-T panyaya yebumbiro remitemo nekodzero dzevashandi.

Vachitaura nenyaya yekuti vari kuwana mavhoti mashoma musarudzo dze ma by elections, VaMahuduku vati bato ravo richiri kutanga nekudaro hapana chinoshamisa pane zviri kubuda musarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG