Vanhu vanoroja vakawanda vari kutambira nemufaro danho rakatorwa nedare remakurukota ehurumende nezuro rekuti varidzi vedzimba vasadzinge maroja anenge akundikana kubhadhara mari dzepavagere panguva ino nyika yakavharwa nekuda kwechirwere che coronavirus.
Asi danho iri ratambirwawo zvakasiyana-siyana nevaridzi vedzimba.
Danho rakatorwa nehurumende iri ratambirwa nemufaro nemamwe maroja akaita saAmai Nomatter Kanhukamwe, avo vanogara mumusha weMabvuku muHarare.
Asi vamwe vane dzimba dzinogara maroja vakaita saAmai Pheona Munyaradzi vemumusha weTafara, uyo wakavakidzana nemusha weMabvuku, vati vachapinda panguva yakaoma kana maroja avo akatadza kubhadhara mari yerendi.
Mutungamiri weChitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuvheya, vatiwo nyaya iyi iri paviri nekudaro hurumende yaifanira kutanga yataura nemapoka akawanda isati yatora danho iri.
Sachigaro wesangano rinomirira vagari vekuKadoma reKadoma Progressive Residents Association, VaWilbert Batanai Murambiwa, vatiwo zvaitwa nehurumende izvi zvichaita kuti varidzi vedzimba vatadze kuterera dzimba dzavo.
Mutungamiri weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vati hurumende inofanirawo kuona zvaingaite sezvo iri iyo inotora mitero kuitira kuti irerutsire varidzi vedzimba pamwe nemaroja.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, sezvo vanga vasiri kubatika panhare mbozha yavo.
Asi mumashoko avakaisa paTwitter nemusi weChipiri, VaMangwana vakati dare remakurukota rakange ratora danho iri senzira yekuona kuti hapana munhu anoomerwa zvakanyanya nehupenyu panguva iyo nyika iri kurwisana neCovid-19, uye pasina ari kuenda kumabasa.
Hurumende iri kukurudzira kuti vanhu vagare mudzimba senzira yekudereredza mukana wekupararira kwechirwere cheCovid-19, icho chanetsa pasi rose.
Facebook Forum