Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inovharwa kweMasvondo Matatu Kutanga neMuvhuro


 President Emmerson Mnangagwa
President Emmerson Mnangagwa

Zimbabwe inoti ichange isingachabvumidze vanhu kubuda mudzimba dzavo kutanga nemusi weMuvhuro senzira yekuyedza kumisa kupararira kwaita chirwere cheCoronavirus pasi rose.

Vachitaura neChishanu manheru pamusoro pematanho atorwa nehurumende yavo, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vanhu vachange vachigara kudzimba dzavo kwemasvondo matatu kutanga neMuvhuro senzira yekudzivirira chirwere chiri kuita chamurambamhuru chichibata vanhu pasi rose.

Chirwere ichi chabata vanhu vanodarika mazana mashanu nemakumi matatu ezviuru kubva zvachaputika kuChina gore rapera, uye vanhu vanodarika makumi mana ezviuru, vafa pasi rose, kusanganisira Zororo Makamba, uyo akashaya neMuvhuro muZimbabwe.

VaMnangagwa vati vashandi vemuzvipatara pamwe nevashandi vehurumende ndivo chete vachange vachibvumidzwa kuenda kumabasa avo.

VaMnangagwa vati vose vanotengesa zvinhu mumigwagwa vachange vasingabvumirwe kuita izvi kwemazuva makumi maviri nerimwe, zvitoro zvichange zvichivhurwa kwemaawa mana pazuva; madutavanhu ose achange asingabvumidzwe kutakura vanhu kunze kweZupco chete.

Zvitoro zvinobvumidzwa kuvhura ndezviya zvinotengesa chikafu, mishonga nemamwe mabhizinisi akakosha kuvanhu muhupenyu hwavo nguva dzose.

VaMnangagwa vati mauto nemapurisa achange achifamba achiona kuti vanhu vagara kudzimba dzavo.

Zimbabwe yakavhara miganhu yayo nemusi weMuvhuro, uye ikabhana kuungana kwevanhu vanodarika makumi mashanu.

Vanhu vashanu vabatwa nechirwere cheCoronavirus, kusanganisira Zororo Makamba, uyo akavigwa nemusi weChipiri.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG