Accessibility links

Breaking News

Kuvharwa kweNyika Kwokonzera Mutauro Mukuru muZimbabwe


Riot police wear face masks on the streets of Harare, Zimbabwe, Tuesday, March 31, 2020. Zimbabwe went into a lockdown for 21 days in an effort to curb the spread of the coronavirus. The new coronavirus causes mild or moderate symptoms for most…

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vazivisa kuti hapana munhu achange achibvumirwa kungofamba famba kunze kwevashandi vane mabasa akatarwa seakakosha kunge achiitwa munguva yekuvharwa kwenyika.

VaMnangagwa vati mauto nemapurisa vachange vachichengetedza mitemo yenyika nekuona kuti hapana munhu atyora mitemo ye National Lockdown.

Vati kutanga neChitatu, hapana munhu achange achibvumidzwa kufamba kubva nenguva dza 6pm kusvika nguva dza6am.

Vati munhu wese anofanirwa kunge agere kumba kwake, uye kupfeka mamasiki kana achisangana nevamwe vanhu.

Mabhazi anofamba mumaguta achange asingabvumidzwe kuita izvi, uye mabhizinesi anenge achivhra na 8am achivhara na3pm.

Vatiwo kuungana kwevanhu kuti vanamate, kuita zvematongerwo enyika nezvimwe hakusi kubvumidzwa.

Vamwe vanhu vanoti havawoni chinobatsira pakuti nyika idzokere
pachinhanho chekuti vanhu vasabuda mudzimba dzavo sezvo zvinodiwa kuri kuzvidzivirira nekutevedza mitemo yakatarwa neWorld Health Organization.

Vanhu vataura neStudio7 vati zvakakosha kuti hurumende itore
matanhu ekuedza kuderedza huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere
cehCovid-19 icho chinokonzerwa nehutachiwana hwecoronavirus.

Asi vati izvi zvinofanirwa kuitwa nenzira yakajeka vanhu vachiziviswa
zvakakwana pamusoro penyaya iyi kwete kuti hurumende ingoita
zvezanondega panyaya yakakosha kudai.

Mumwe mudzidzi wepaNational University of Science and Technology uyo
angoda kuzvidoma nezita rekuti Jane ati kudzora lockdown
nechimbi-chimbi zvinoratidza kusarongeka uye zvinokanganisa veruzhinji
zvikuru kusanganisira vadzidzi vakaita saiye.

Kutanga neMuvhuro mapurisa nemasoja aidzora ma roadblock mumadhorobha nemaguta emunyika achirambidza vanhu vakawanda kupinda mumadhorobha nemaguta aya.

Sachigaro wesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe mudunhu reMidlands, Amai Alice Maqatha, vati zvakakosha kuti hurumende itore matanho akasimba ekurwisa chirwere cheCovid asi vati havawone lockdown ichinyanya kubatsira kana kuchitariswa zvimwe zvakawanda kusanganisira kuti pane vanhu vakawanda vanopinda nekubuda munyika zvisiri pamutemo.

Mumwewo mugari, Muzvare Gracia Moyo, vati sezvo veruzhinji munyika
vachirarama nekuzvishandira pachavo vega, kuve nelockdown
kunokanganisa raramo yevakawanda vachitiwo dai hurumende yamira
pachokwadi pakupa vanhu rubatsiro panguva yakadai.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItayi Rusike, vatsinhirawo izvi vakati pane kuti pave nechiga chekuti vanhu vagare kudzimba zvekare, hurumende inofanirwa kukurudzira kuti vanhu
vatevedzere zvinokurudzirwa nenyanzvi dzehutsanana pakudzivirira
kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19.

Chiremba uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati hazvina zvazvinonyanya kubatsira kuve nelockdown pasina ongororo yakakwana yekuti chirwere ichi chiri kutapuriranwa sei.

Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaMusa Kika, vati havapokane nekuti lockdown ivepo zvikuru kuchitariswa kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 munyika huri kuramba huchikwira.

Asi vati zvakakosha kuti hurumende iwone kuti mapurisa nevechiuto havatyore kodzero dzevanhu.

Bazi redzidzo yepamusoro soro razivisa zvikoro zvose zvepamusoro soro kuti zvinge zvavharwa panosvika musi weChishanu, uye vadzidzi vari kugara muzvikoro izvi vanga vabuda mudzimba dzavari kugara musi weChishanu usati wapfuura.

Kunyange hazvo Studio7 isina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi ye lockdown, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaburitsa mashoko pa twitter yavo vachiti vashandi vehurumende vakapihwa mvumo nePublic Service Commission ndivo chete vachange vachibvumidzwa kuenda kubasa, vamwe vose vanofanirwa kugara mudzimba dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG