Accessibility links

Breaking News

Kubviswa kweLockdown Kuchanetsa Sezvo Vanhu Vakawanda Vasati Vaongororwa Covid-19


Riot police wear face masks on the streets of Harare, Zimbabwe, Tuesday, March 31, 2020. Zimbabwe went into a lockdown for 21 days in an effort to curb the spread of the coronavirus. The new coronavirus causes mild or moderate symptoms for most…
Riot police wear face masks on the streets of Harare, Zimbabwe, Tuesday, March 31, 2020. Zimbabwe went into a lockdown for 21 days in an effort to curb the spread of the coronavirus. The new coronavirus causes mild or moderate symptoms for most…

Sangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti danho rekuwedzera kana kusawedzera mazuva ekuti nyika irambe yakavharwa, richanetsa kutora sezvo vanhu vazhinji munyika vasina kuongororwa kuti vane chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete.

Izvi zvinoitika apo hurumende ichiti yave kutora matanho matsva ekuti vanhu vakawanda vaongororwe, zvikuru vari munzvimbo dzine vanhu vakabatwa neCovid-19.

MuZimbabwe mava nevanhu makumi maviri nevatatu vabatwa nechirwere ichi, uye vanhu vatatu vafa nacho, asi pasi rose riine vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi maviri nezvinomwe vafa neCovid-19 kubva zvayakatanga kuChina gore rapera.

Munyori musangano iri, Doctor Norman Matara, vaudza Studio7 ruzhinji rwevanhu munyika harwuna kuongororwa kuti rwune chirwere cheCovid-19 here kana kuti kwete panguva iyo nyika yakavharwa kwemazuva makumi maviri nerimwe akatarwa nemutungamiri wenyika zvichaita kuti hurumende itemeseke musoro kuti nyika yoramba yakavharwa here kana kuti kwete pachapera nguva yakatarwa naVaEmmerson Mnangagwa.

Pari zvino, bazi rezvehutano rinoti raongorora vanhu mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevashanu chetekuti vane chirwere ichi here kana kuti Havana munyika ine vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nematanhatu.

Nekuda kweizvi, VaMatara vati zvinonetsa kuti hurumende itore danho rine hudzamu isina humbowo hwakati tsvikiti hwekuti zvinhu zvakamira sei munyika pamusoro pechirwere ichi.

Vaimbove gurukota rezvehutano uye vari munyori wezvehutano muMDC, Doctor Henry Madzorera, vanoti huwandu hwevanhu vaongororwa kusvika pari zvino hunoratidza kuti kuvharwa kwakaitwa nyika hakuna chakwabatsira.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vakurudzirawo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vambomira kufamba-famba kwavari kuita.

Asi VaMnangagwa vanoti vari pakati pahurongwa hwekutenderera nenyika yose vachiona mamiriro akaita zvinhu pamusoro pechirwere cheCovid-19 ichi uye kuona kuti veruzhinji vari kutevedzera here kurudziro yavo yekuti veruzhinji vagare kudzimba senzira yekuderedza kuapararira kwechirwere ichi.

VaMnangagwa vakazivisa kutivachazoongorora pakupera kwemazuva makumi maviri nerimwe avakatara kuti veruzhinji vange vari kudzimba senzira yekuderedza mikana yekupararira kwechirwere ichi kuti zvinokodzera here kuti veruzhinji varambe vari mudzimba kana kuti kwete.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaObediah Moyo, sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi munyori mubazi ravo, Doctor Agnes Mahomva, vaburitsa mashoko ekuti komiti yakaumbwa nemutungamiri wenyika kuti itungamire nyaya dzekurwisa chirwere che Coronavirus yeInter-Ministerial Taskforce on Covid-19 inotungamirwa nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, yakabvumirana kuti patorwe matanho akasimba ekuti vanhu vazhinji munyika vaongororwe kuti havana chirwere cheCvoid-19 here.

Gwaro raburitswa naDoctor Mahomva iri rinoti vanhu vese vanga vachienda kumabasa panguva iyo nyika yanga yakavharwa, kunyanya vashandi vehurumende, vachaongororwa kuti havana kutapukirwa nechirwere ichi here.

Doctor Mahomva vati munhu wese anofungidzirwa kuti ane chirwere ichi anosungirwa kuongororwa, uye vose vari kupinda munyika vachibva kunyika dzine chirwere ichi pamwe nevane zvirwere zvedzihwa vanofanira kuongororwa zvakare.

Doctor Mahomva vatiwo vanhu vakwegura vane makore makumi matanhatu zvichikwira vari muzvipatara vane zvirwere zvakaita se asthma, shuga, BP, nezvirwere zvemoyo vanofanirawo kuongororwa zvakare.

Vati zvose izvi zvichaitwa kuti hurumende inyatsoziva kuti nyika yakamira papi chaizvo pachirwere cheCovid-19.

Pari zvino, chirwere cheCovid-19, icho chakatangira kuChina, chinonzi nehurumende chauraya vanhu vatatu munyika, uye kubata vanhu gumi nevasere, ukuwo pasi rose, vanhu vanosvika mamiriyoni maviri vabatwa neCovid-19, uye vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi maviri nezvonomwe, vafa nechirwere ichi pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG