Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMola, kuMashonaland West, Voparadzirwa Zvipfuwo neShumba


Shumba dzinonzi dzarura kuMola mudunhu reNyaminyami kuMashonaland West.
Shumba dzinonzi dzarura kuMola mudunhu reNyaminyami kuMashonaland West.

Vagari vekuMola mudunhu reNyaminyami kuMashonaland West vanoti
zvipfuwo zvavo zviri kupera nekudyiwa nemhuka dzesango dzakaita
seShumba.

Mumwe mugari weMmubhuku rekwaChitenge muwadhi 3 kuMola, VaWayne Chihota, vanoti shumba dzarura sezvo dziri kuuraya nekudya mombe, mbudzi nemadhongi avo.

VaChihota vanoti vakataurira vebazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka reZimParks asi vanoti vanhu vakauya havasi kuuraya shumba idzi. VaChihota vanoti vanhu vave kutya kufamba kure nemisha yavo zvave kuita kuti vasaende kuminda yavo kuti vagadzirire mwaka wekurima wave pedyo.

Mumwe mugari webhuku rekwaDove, Amai Chenai Musikavanhu, vanoti Shumba dzave kuvatadzisa kuenda kuminda uye vana vavo havachaenda kuzvikoro izvo zviri kure nemisha yavo.

Mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawo, vanoti vane hurombo nevagari
vekuMashonaland West vari kurasikirwa nezvipfuwo zvavo nekuda
kwekudyiwa neshumba.

VaFarawo vanoti vanokurudzira vagari vekuMola kuti vagadzire matanga
anokurudzirwa anoita kuti Shumba dzisakwanise kuona zvipfuwo zvinenge
zviri mukati medanga.

VaFarawo vanoti dambudziko remhuka dziri kuuraya zvipfuwo nevanhu riri
kuwanikwa kunzvimbo dzakawanda dziri pedyo nenzvimbo dzine mhuka
dzesango munyika nekudaro vanokurudzira kuti vanhu vasafambe husiku, uhwo hunowanzofambawo mhuka dzesango.

VaFarawo vanoti dambudziko guru ndere kuti mhuka dzawandisa munyika,
vachiti nekuda kwemvura yave shoma mhuka dzesango dzave kufamba
dzichitsvaga mvura. Nekudaro, vanokurudzira vagari kuti vachengetedze
zvipfuwo zvavo kwete kuzvisairira zvisina anochengeta.

VaChihota vanoti mukati mesvondo rino vagari veChitenge neDove
varasikirwa nemombe dzinosvika gumi nembiri, mbudzi makumi maviri
neshanu pamwe nemadhongi matanhatu.

VaFarawo vanotiwo gore rino vanhu vanosvika makumi mana nevaviri
vakaurayiwa nemhuka dzesango dzinosanganisira shumba, kutsikwatsikwa
neNzou pamwe nekutungwa neNyati.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG